RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 1/15 p. 32
  • “Munoshandisei?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Munoshandisei?”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 1/15 p. 32

“Munoshandisei?”

MUBVUNZO uyu wakabvunzwa nomumwe mukweguru pane imwe resitorendi inotengesa zvokudya, wakashamisa Muriel, amai vevana vatatu. Muriel ange akabatikana achionana navanachiremba vevana vake, uye akanga ava kunonoka. Pakanga pasisina nguva yakakwana yokuti vaende kumba kunodya zvokudya zvemanheru vasati vapinda musangano wavo wechiKristu. Saka akaenda nevana vake kuresitorendi yaiva pedyo kuti vawane chimwe chinhu chokudya.

Vava kupedza kudya, mumwe murume akauya kuna Muriel ndokuti: “Ndange ndichikucherechedzai kubvira pamapinda muno. Ndaona kusiyana kukuru kuri pakati pevana venyu nevaya vandinowanzosangana navo. Munofanira kuona matambisire anoita vana matafura nezvigaro. Vanoisa tsoka dzavo pamusoro petafura. Zvigaro zvinongochinjwa-chinjwa. Asi vana venyu vakanyarara zvikuru uye vanozvibata kwazvo. Munoshandisei?”

Muriel akapindura kuti: “Ini nomurume wangu tinogara tichidzidza Bhaibheri nevana vedu, uye tinoedza kushandisa zvatinodzidza muupenyu hwedu. Isu tiri Zvapupu zvaJehovha.” Zvadaro, murume wacho akati: “Ini ndiri muJudha uye ndiri mumwe wevakapona paiparadzwa rudzi rwedu. Ndinoyeuka ndichiona Zvapupu zvaJehovha zvichitambudzwa muGermany. Kunyange nazvino zvakasiyana nevamwe. Kuzvibata kwevana venyu kwandipedza mate mukanwa. Ndinofanira kunyatsoongorora chitendero chenyu.”

Bhaibheri ibhuku rakaisvonaka rinotungamirira pakurera vana. Zvapupu zvaJehovha zvinofara chaizvo kuyamura vamwe kuti vabatsirwe nemirayiridzo inowanika muMagwaro. Tinokukumbira noushamwari kuti ubvume zvinotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe