RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 1/1 p. 32
  • Nguva Yokudya—Haisi Nguva Yokungodya Chete!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yokudya—Haisi Nguva Yokungodya Chete!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 1/1 p. 32

Nguva Yokudya—Haisi Nguva Yokungodya Chete!

MUNHU wose anofarira zvokudya zvakanaka. Ukawedzera kukurukurirana nokushamwaridzana kwakanaka nevanhu vaunoda pamunenge muchidya, inobva yava nguva inofadza uye inogutsa kwete nzara yedu chete. Mhuri dzakawanda dzine tsika yokuungana kanopfuura kamwe chete pazuva kuti dzidye. Nguva dzokudya dzinopa mhuri mukana wokukurukura zvinhu kana kuti zvirongwa zvezuva iroro. Vabereki vanoteerera zvinotaurwa nevana vavo vanoona mafungiro nemanzwiro evaduku vavo. Nokufamba kwenguva, kushamwaridzana kwakadzikama kwokufara kunoitwa panguva dzezvokudya kunoita kuti mhuri inzwe yakachengeteka, iine chivimbo uye iine rudo zvowedzera kunzwanana kwayo.

Nhasi, nemhaka yokuti nhengo dzakawanda dzemhuri dzinogara dzakabatikana uye dzichiita zvimwe zvinhu, dzinoomerwa nokuungana kuti dzidye pamwe chete. Mune dzimwe nyika, tsika dzemo dzinorambidza mhuri kudyira pamwe chete kunyange kutaura panguva yokudya. Dzimwe mhuri dzine tsika yokubatidza TV panguva yokudya, dzotadza kutaurirana zvinovaka.

Zvisinei, vabereki vechiKristu vanogara vakangwarira mikana yokuvaka dzimba dzavo. (Zvirevo 24:27) Kare, vabereki vakaudzwa kuti imwe yenguva dzakanyatsonaka yokutaurira vana vavo shoko raMwari ndepaya ‘pavanenge vagere mumba.’ (Dheuteronomio 6:7) Kuwanzodya pamwe chete kunopa vabereki mukana wokuroverera muvana vavo kuda Jehovha zvakadzama nemirayiro yake yakarurama. Nokuedza kuva nemamiriro ezvinhu anofadza uye akadzikama, unogona kuita kuti nguva dzezvokudya dzive nguva dzezvinhu zvinonakidza zvemhuri yenyuwo. Hungu, ita kuti nguva yokudya isangove nguva yokungodya chete!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe