RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 12/1 p. 30
  • Shanduro “Yakanaka Zvikuru”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shanduro “Yakanaka Zvikuru”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 12/1 p. 30

Shanduro “Yakanaka Zvikuru”

MAERERANO nokumwe kuverenga kwakaitwa, shanduro itsva dzakawanda dzinokwana 55 dzeChirungu dzeMagwaro echiKristu echiGiriki dzakabudiswa pakati pa1952 na1990. Mashoko anosarudzwa nevashanduri anoita kuti pasava neshanduro mbiri dzinoverengeka dzine mashoko akafanana. Kuti aone kuti basa revashanduri vacho rakavimbika zvakadini, Jason BeDuhn, mumwe purofesa wezvidzidzo zvezvitendero paNorthern Arizona University, iri kuFlagstaff, Arizona, U.S.A., akaongorora ndokuenzanisa kururama kweshanduro huru sere, kusanganisira Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Akawanei?

Kunyange zvazvo akanga asingabvumirani nemashandurirwo akaitwa mamwe mashoko ayo, BeDuhn anodana Shanduro yeNyika Itsva kuti shanduro “yakanaka zvikuru, iri nani nokure” uye “inoshandisa mashoko akafanana zvakanaka” kudarika dzimwe dzakaongororwa. Yose zvayo, akapedzisa kudaro BeDuhn, Shanduro yeNyika Itsva “ndeimwe yeshanduro dzeChirungu dzakarurama zvikuru dzeTestamende Itsva dziripo pari zvino” uye “yakarurama zvikuru pane shanduro dzakaenzaniswa.”—Truth in Translation: Accuracy and Bias in English Translations of the New Testament.

BeDuhn akacherechedzawo kuti vashanduri vakawanda vaimanikidzwa “kunyora vachishandisa mamwe mashoko kana kuti kuwedzeredza pane zvinotaurwa neBhaibheri kuti vaite zvinoda vaverengi vemazuva ano uye zvavanoda kuti ritaure.” Ukuwo, Shanduro yeNyika Itsva yakasiyana, akadaro BeDuhn, nemhaka yo“kururama kukuru kweNW seshanduro yakaitwa shoko neshoko, inochengetedza mashoko epakutanga chaiwo evanyori veTestamende Itsva.”

Sokubvuma kunoita veDare reBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva nezvebasa ravo mumashoko okutanga, “mutoro chaiwo” kushandura Magwaro Matsvene mumitauro yawo yokutanga kuaisa mumitauro yemazuva ano. Dare racho rinoenderera mberi richiti: “Vashanduri veBhaibheri rino, vanoda Mwari, Muridzi weMagwaro Matsvene, vanonzwa vaine musengwa chaiwo wokushandura pfungwa dzake nezvaakazivisa zvakarurama sezvavanogona.”

Kubvira parakatanga kubudiswa muna 1961, Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene rave richiwanika mumitauro 32, kusanganisira miviri yeBraille. Magwaro echiKristu echiGiriki eShanduro yeNyika Itsva, kana kuti “Testamende Itsva,” ari kuwanika mumimwe mitauro 18 kusanganisira mumwe chete weBraille. Tinokukumbira kuti uverenge Shoko raMwari mushanduro iyi yemazuva ano uye “yakanaka zvikuru,” pamwe inotova mumutauro wako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe