RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 11/15 p. 32
  • Unoshuva Nyika Isina Kutya Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoshuva Nyika Isina Kutya Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 11/15 p. 32

Unoshuva Nyika Isina Kutya Here?

“Tiri kurarama ‘mumamiriro ezvinhu anotambudza uye anoda kuti urambe wakamuka uye . . . asingabatsiri,’ anokonzerwa ne‘ngozi isingagoni kunyatsorondedzerwa . . . [ngozi] inogona kuitika panguva chero ipi zvayo mumamiriro ezvinhu chero api zvawo pasina nyevero.’”

MASHOKO aya, akatorwa mumagazini yeNewsweek gore rapera, anoratidza manzwiro evanhu vakawanda vanorarama munyika isina kugadzikana yanhasi. Jesu Kristu akaratidza kuti manzwiro akadaro aizowedzera munguva yemberi iri pedyo. Akafanotaura nezvenguva apo marudzi aizoshushikana chaizvo zvokuti aisazoziva nzira yokupedza nayo kushungurudzika kwao uye vanhu vaizopera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya panyika. Kunyange zvakadaro, isu hatizofaniri zvedu kutya kana kupererwa nezano rose zvaro, nokuti Jesu akawedzera kuti: “Asi panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai muti twasu musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”—Ruka 21:25-28.

Achirondedzera mararamiro evanhu vake pasi pano pashure pokununurwa ikoko, Jehovha Mwari akazivisa kuti: “Vanhu vangu vachagara pahugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.” (Isaya 32:18) Achishandisa muprofita wake Mika, Jehovha akati: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.

Izvozvo zvakasiyana sei nezvakaita upenyu nhasi! Hakuna ngozi isingazivikanwi ichatyisidzira vanhu. Panzvimbo pemamiriro ezvinhu anotambudza uye anoda kuti urambe wakamuka uye asingabatsiri, pachava nemamiriro ezvinhu asingagumi orugare nomufaro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe