Zvinoreva Kuzvininipisa kwaJehovha Kwatiri
DHAVHIDHI akanga ari munhu aiziva nhamo. Mambo Sauro, tezvara vake vaiva negodo, havana kumubata zvakanaka. Katatu, Sauro akaedza kuuraya Dhavhidhi nepfumo uye kwemakore akawanda akaramba achimuvhima, zvichimanikidza Dhavhidhi kuva mupoteri. (1 Samueri 18:11; 19:10; 26:20) Asi, Jehovha aiva naDhavhidhi. Jehovha haana kungomununura pana Sauro bedzi asiwo pane vamwe vavengi. Naizvozvo tinogona kunzwisisa manzwiro aDhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu. . . . [Jehovha] makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu, unyoro hwenyu hwakandikurisa.” (2 Samueri 22:2, 36) Dhavhidhi aikosheswa muna Israeri. Saka kuzvininipisa kwaJehovha kwaipinda papi?
Magwaro paanotaura nezvaJehovha seanozvininipisa, hazvirevi kuti pane zvaasingakwanisi kuita kana kuti anozviisa pasi pevamwe. Asi, unhu uhwu hwakanaka hunoratidza kuti anonzwira tsitsi zvikuru vanhu vanoedza nomwoyo wose kutenderwa naye uye anovanzwira ngoni. Pana Pisarema 113:6, 7 tinoverenga kuti: “[Jehovha] anozvidukupisa kuti aone zviri kudenga nezviri panyika, achisimudza munhu akaderera kuti abve muguruva.” Ku“zvidukupisa” kwaanoita kunoreva kuti “anokotama kuti aone” kana kuti “Anozvininipisa kuti atarire.” (Today’s English Version; Young’s Literal Translation of the Holy Bible) Saka ari kudenga, Jehovha pachake ‘akakotama,’ kana kuti ‘akazvininipisa,’ kuti ateerere Dhavhidhi, munhu asina kukwana asi aizvininipisa aishuva kushumira Mwari. Saka, Dhavhidhi anotivimbisa kuti: “Jehovha uri kumusoro, kunyange zvakadaro une hanya nounozvininipisa.” (Pisarema 138:6) Ngoni, kushivirira, uye tsitsi zvakaratidzwa naJehovha kuna Dhavhidhi zvinofanira kukurudzira vose vanotsvaka kuita kuda kwaMwari.
Kunyange zvazvo Jehovha ari Changamire ane nzvimbo inoremekedzwa zvikuru pane zvose zvakasikwa, anoda kuva noukama nomumwe nomumwe wedu. Izvi zvinotipa chivimbo chokuti tinogona kuvimba kuti achatotibatsira kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma. Hapana chikonzero chokutya kuti achatikanganwa. Pamusoro pevanhu vake veIsraeri yekare, zvakakodzera kuti Jehovha ataurwe nezvake souyo ‘akavarangarira paurombo hwavo; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.’—Pisarema 136:23.
Sevashumiri vaJehovha vomuzuva ranhasi, tinotambura sezvakaita Dhavhidhi. Tingave tichisekwa nevaya vasingazivi Mwari, kana kuti zvimwe tiri kutambura noutano husina kutsarukana kana kuti tingave takafirwa. Chero angava mamiriro edu ezvinhu, kana tichida nomwoyo wose, tinogona kunyengetera kuna Jehovha, tichiteterera kuti atinzwire ngoni. Jehovha acha‘kotama’ kuti atione ndokuteerera minyengetero yedu. Munyori wepisarema akafuridzirwa kunyora kuti: “Meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.” (Pisarema 34:15) Kufungisisa unhu hwaJehovha hunokwezva hakubayi mwoyo wako here?
[Mifananidzo iri papeji 30]
Semanzwiro aakaita minyengetero yaDhavhidhi, Jehovha anodawo kunzwa minyengetero yedu nhasi