RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 10/15 p. 32
  • Unogona Kufungidzira Zvaunoverenga Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kufungidzira Zvaunoverenga Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 10/15 p. 32

Unogona Kufungidzira Zvaunoverenga Here?

KUTI ufungidzire zvaiitika, uchaona zvichibatsira kana uchiziva nzvimbo dzaunenge uchiverenga nezvadzo. Somuenzaniso, funga nezvenzendo dzoumishinari dzomuapostora Pauro, dzinorondedzerwa mubhuku reBhaibheri raMabasa. Parwendo rwake rwokutanga rwoumishinari, akatangira kuAndiyoki, uko vateveri vaJesu vakatanga kunzi vaKristu. Achibva ikoko akaenda kunzvimbo dzakadai seSaramisi, Andiyoki yokuPisidhiya, Ikoniyumu, Ristra, neDhebhe. Unogona kufungidzira kwaiva nenzvimbo idzi here?

Pamwe haukwanisi, kutoti uine mepu. Mubhurocha idzva remapeji 36 rinonzi “Ona Nyika Yakanaka,” mune mepu yakadaro. Mumwe muverengi wokuMontana, U.S.A., anoonga achiti: “Ndinogona kuona nzendo dzaPauro ndoedza kufungidzira zvaaishandisa pakufamba uye basa raakaita iye nevamwe vepakutanga mukuparadzira mashoko akanaka. Ndinokutendai nokuda kwemepu iyi yakaisvonaka inobatsira kufungidzira.”

Mepu inoratidza nzendo dzaPauro haisi iyo yoga asi mune dzakawanda dziri mubhurocha iri dzichabatsira muverengi kufungidzira zvinorondedzerwa muBhaibheri. Unogona kukumbira bhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” nokuzadza kopani riri pano woritumira kukero yakaratidzwa kana kuti yakakodzera pane dziri papeji 2 yemagazini ino.

□ Pasina zvandinovimbisa, ndiri kukumbirawo bhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka.”

□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.▸

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe