Haasi Mahumbwewo Zvawo
VANA vanoda kuita mahumbwe. Asi bhuku rinonzi The Developing Child rinotsanangura kuti, “uku hakusi kungoita zvinhu zvisina basa kana kuti zvisingakoshi.” “Zvinoita sokuti kuziva kwavo zvinhu zvakasiyana-siyana kunotangira pamahumbwe.” Nokuita mahumbwe, vana vanodzidza kushandisa pfungwa dzavo, kunzwisisa zvakavapoteredza, uye kushamwaridzana nevamwe.
Kutangira pamakore mana kana kuti mashanu, vana vanotanga kuita mahumbwe vachitevedzera vanhu vakuru. Jesu akambotaura nezvevana vaiita mahumbwe. Vamwe vaida kuedzesera “muchato,” vamwe “mariro,” uye sezvinowanzoitwa nevana, vaiitirana nharo nokuti vamwe vakanga vasingadi kuita izvozvo. (Mateu 11:16, 17) Mahumbwe aya anogona kuroverera mabasa anokosha mupfungwa dzomwana achiri kukura.
Vana vari pamifananidzo vari kuedzesera zvinoitwa nomudzidzisi weBhaibheri uye mudzidzi. Chavo hachisi chidzidzo cheBhaibheri chaicho, asi pfungwa yokukurukura nevamwe shoko reBhaibheri yakajeka mupfungwa dzavo. Uye chidzidzo ichi chinokosha, nokuti Jesu akarayira vateveri vake vose kuti vaite vadzidzi uye kuti vadzidzise vanhu kuchengeta zvinhu zvose zvaakanga avadzidzisa.—Mateu 28:19, 20.
Kana vabereki vaine vana vanoda kuedzesera kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, kupa hurukuro, kana kuti kuparidza paimba neimba, hapana chakaipa kuti vanzwe vachidada navo. Zviri muropa kuti vana vatevedzere zvavanoona vakuru vakavapoteredza vachiita. Mahumbwe omuBhaibheri anoitwa nevana anoratidza kuti vari kurerwa “vachidzidziswa nokupiwa zano sezvinodiwa naIshe.”—VaEfeso 6:4, Charles B. Williams.
Jehovha anoda kuti vana vaitewo chimwe chinhu mukunamata kwechokwadi. Akaudza Mosesi kuti “pwere” dzivepowo paiverengwa Mutemo. (Dheuteronomio 31:12) Kana vana vaduku vachinzwa kuti zviri kuitwa zviri kuvabatanidzawo, mahumbwe avo angangozviratidza. Uye mwana anoedzesera kuva mushumiri waMwari ari kutanga kufamba pamugwagwa wokuti azodaro.