RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 10/1 pp. 3-4
  • Nhaka Yaunogona Kuvimba Nayo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhaka Yaunogona Kuvimba Nayo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Vanyoro Ndivo Vachagara Nhaka Yenyika’—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Chengetedza Nhaka Yako Inokosha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Zviri Mubhuku raJoshua
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Nhaka Yedu Inokosha—Inorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 10/1 pp. 3-4

Nhaka Yaunogona Kuvimba Nayo

“KANA ukagamuchira tsamba inobva kune mumwe munhu achitaura kuti pane nhaka yakakumirira, chenjerera. Zvingangodaro kuti pane munhu ari kuda kukutsotsa.”

Ndiyo nyevero yakaiswa panobudisirwa mashoko paIndaneti neUnited States Postal Inspection Services. Nei? Nokuti mazana evanhu akagamuchira tsamba achiudzwa kuti, ‘Hama yako ichangobva kufa uye yakusiyira nhaka.’ Vakawanda vakaguma vatumira muripo weUS$30 [Z$160 050] kana kuti inopfuura kuti vapiwe ‘mushumo wenhaka yacho’ unonzi ndiwo unozotsanangura kuti iri kupi uye kuti ungaiwana sei. Vakaodzwa mwoyo zvikuru. Vose vakapindura vakapiwa mushumo mumwe chete—uye mukana wokuti pave neanowana chinhu wakanga usipo zvachose.

Utsotsi hwakadaro hunoshandisirwa pachido chagara chiine vanhu chokupiwa nhaka. Asi Bhaibheri rinotaura zvakanaka chaizvo nezvevaya vanopa nhaka parinoti: “Munhu, akanaka, uchasiyira vana vavana vake nhaka.” (Zvirevo 13:22) Kutaura zvazviri, hapana mumwe akataura mashoko aya anonyatsozivikanwa uye anodiwa kunze kwaJesu Kristu muMharidzo yake yepaGomo paakati: “Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.”—Mateu 5:5, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Mashoko aJesu anotifungisa izvo Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akafuridzirwa kuti anyore mazana emakore akanga apfuura, kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

‘Kugara nhaka yenyika’—chokwadi itarisiro inofadza! Asi tingava nechokwadi here kuti uku hakusi kumwewo kutsotswa zvako kwakaitirwa kubiridzira vanhu chimwe chinhu? Hungu tinogona kuva nechokwadi. Sezvo nyika iri chimwe chezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naJehovha, iye soMusiki noMuridzi ane kodzero yepamutemo yokuipa chero kunaani zvake waanoda. Achishandisa Mambo Dhavhidhi Jehovha akataura ichi chipikirwa chouprofita kuMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu kuti: “Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, nemigumo yenyika zvive zvako.” (Pisarema 2:8) Nechikonzero ichi, muapostora Pauro akarondedzera Jesu souyo Mwari “akagadza kuva mugari wenhaka yezvinhu zvose.” (VaHebheru 1:2) Saka tinogona kuva nechivimbo chakazara chokuti Jesu paakati vanyoro “vachagara nhaka yenyika,” akataura kudaro nemwoyo wose, uye ane simba rakakodzera rokuzadzika zvaakapikira.—Mateu 28:18.

Saka mubvunzo unokosha ndewokuti, Chipikirwa ichocho chichazadzika sei? Kwose kwose kwatinotarira nhasi, kunenge kuti vane chisimba uye vanozvikudza ndivo vari kubudirira vachitora zvavanoda. Ko vanyoro vanozowanei? Uyezve, nyika yamomoterwa nezvinetso zvakakura kwazvo zvokusvibiswa, uye pfuma yayo iri kuparadzwa nevane udyire uye vasingamboroti zvavo kuti mangwana kunei. Pachazombova nenyika yakakodzera kugara nhaka here? Tinokukumbira kuverenga nyaya inotevera kuti uwane mhinduro yemibvunzo iyi uye nemimwewo inokosha.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Uri mumwe wevachawana nhaka chaiyoiyo here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe