RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 9/1 p. 32
  • Nzira Yokutsungirira Nayo Kuora Mwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokutsungirira Nayo Kuora Mwoyo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 9/1 p. 32

Nzira Yokutsungirira Nayo Kuora Mwoyo

WAKAORA mwoyo here? Munguva ino yokusava nechokwadi uye yokurwisana, vanhu vakawanda ndizvo zvavari. Vamwe vakaora mwoyo nokuti havasi kushanda. Vamwe zvavari kutambura nazvo zvakakonzerwa netsaona. Asi vamwe vari kutambura nezvinetso zvemhuri, chirwere chakakomba, kana kuti kusurukirwa.

Kana wakaora mwoyo, unogona kuenda kupi kuti ubatsirwe? Mamiriyoni mupasi rose akanyaradzwa nokuverenga Shoko raMwari, Bhaibheri. Anokurudzirwa nemashoko omuapostora Pauro, uyo akati: “Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Wadii kuverenga mashoko aya nezvimwe zvikamu muBhaibheri rako? Kuita kudaro ‘kuchanyaradza mwoyo wako nokukusimbisa pamabasa nemashoko ose akanaka.’—2 VaTesaronika 2:17.

Rubatsiro rwokuti titsungirire kuora mwoyo runogonawo kuwanika nokusonganirana nevaya vanoshumira Jehovha. Zvirevo 12:25 inoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” Patinopinda misangano yechiKristu, tinonzwa “mashoko anofadza,” ‘anotapira kumweya achiporesa mapfupa.’ (Zvirevo 16:24) Wadii kupinda musangano paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha kuti uzvionere woga kusimbiswa kwaunogona kuitwa nokuungana kwakadaro?

Unogona kubatsirwawo nesimba romunyengetero. Kana uchinetseka nokuzvidya mwoyo, taura zviri pasi pomwoyo wako ‘kuMunzwi womunyengetero.’ (Pisarema 65:2) Musiki wedu, Jehovha Mwari, anotinzwisisa kupfuura zvatinozviita pachedu. Tinogona kuvimba nokutibatsira kwake. Shoko rake rinotivimbisa kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Chokwadi, “vanomirira Jehovha vachawana simba idzva.”—Isaya 40:31.

Jehovha Mwari akatipa zvokushandisa zvakasimba zvinotibatsira kuti tibudirire kutsungirira kuora mwoyo. Uchazvishandisa here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe