RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 7/1 p. 32
  • Tsamba Kuna Noa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Kuna Noa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 7/1 p. 32

Tsamba Kuna Noa

“ANODIWA Noa, ndakaverenga nezvako muBhaibheri kanoverengeka, uye kuti wakavaka sei areka yakakuponesa muMafashamo iwe nemhuri yako.”

Ndiwo matangiro akaita tsamba yakanyorwa nomusikana ane makore 15 anonzi Minnamaria akapinda mumakwikwi okunyora evadzidzi vane makore ari pakati pe14 ne21. Makwikwi acho akarongwa neposvo yeFinland, Federation for Finnish Mother Tongue Teachers, uye neFinnish Literature Society. Vakwikwidzi vacho vaifanira kunyora tsamba inobva mune rimwe bhuku. Yaigona kunyorerwa munyori webhuku racho kana kuti mumwe mutambi arimo. Vadzidzisi vakasarudza tsamba dzinopfuura 1 400 patsamba dzakanyorwa nevadzidzi vavo ndokudzitumira kune vaizosarudza. Vasarudzi vacho vakabva vasarudza yaiva yokutanga, gumi dzaiva munzvimbo yechipiri, uye dzimwe gumi dzaiva munzvimbo yechitatu. Minnamaria akafara kuti tsamba yake yakaiswa muboka rechitatu.

Nei Minnamaria, mudzidzi achiri kuyaruka, akanyorera tsamba Noa, murume akararama makore anenge 5 000 akapfuura? Anoti: “Ndakatanga kufunga nezveBhaibheri. Ndava kunyatsoziva vanhu vanotaurwa muBhaibheri. Ndakaverenga zvakawanda pamusoro pavo uye ndinovaona sevachiri vapenyu. Ndakasarudza Noa nokuti upenyu hwake hwainakidza chaizvo uye hwakasiyana nohwangu.”

Tsamba yaMinnamaria kuna Noa inoguma nemashoko anoti: “Uchiri muenzaniso wokutenda uye wokuteerera. Upenyu hwako hunokurudzira vose vaya vanoverenga Bhaibheri kuti vararame maererano nokutenda kwavo.”

Tsamba iyi yomuverengi muduku weBhaibheri inonyatsoratidza kuti chaizvoizvo Bhaibheri “ibenyu uye rine simba” pavanhu, vaduku nevakuru.—VaHebheru 4:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe