RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 6/15 p. 3
  • Zvinetso Zvokudzidzisa Vana Mazuva Ano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinetso Zvokudzidzisa Vana Mazuva Ano
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Zvinokosha Kudzidzo Yakanaka
    Mukai!—1996
  • Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 6/15 p. 3

Zvinetso Zvokudzidzisa Vana Mazuva Ano

HWAVA usiku, muridzi weresitorendi anogadzirira kuti achivhara resitorendi yake kuti aende kumba. Vakadzi vaviri nomwana vanobva vapinda vachida kutenga zvokudya. Aneta kwazvo, muridzi wacho anonzwa achida kuvaudza kuti tavhara, asi anosarudza kuvagadzirira zvavati vanoda. Vakadzi ava pavanenge vachitaura uye vachidya, mwana wacho anomhanya-mhanya muresitorendi, achirasira mabhisikiti pasi uye oatsika kuti apwanyike. Pane kuti vamutsiure, amai vomwana wacho vanonyemwerera. Vanga vachidya ava pavanenge vaenda, muridzi weresitorendi anga atozvinetera zvake anofanira kuchenesa pasvibiswa.

Sezvaungave uchitoziva, zvataurwa izvi zvinowanzoitika muupenyu zvinoratidza kuti mumhuri dzakawanda, vana havasi kudzidziswa nomazvo. Zvikonzero zvacho zvinosiyana-siyana. Vamwe vabereki vanongoregeredza vana vavo vachiita zvavanoda, vachifunga kuti vana vanofanira kurerwa vakasununguka. Kana kuti nemhaka yokuti vabereki vakabatikana kwazvo, vangasawana nguva yokunyatsotarisira vana vavo uye kuvadzidzisa sezvinodiwa. Vamwe vabereki vanofunga kuti chikoro chomwana wavo ndicho chinhu chinonyanyokosha, saka vanopa mwana wavo rusununguko rusingadzorwi chero bedzi achigona kuchikoro uye achizoenda kukoreji yepamusoro.

Asi, vamwe vanoti zvinokosheswa nevabereki nevanhu vomunzanga yavo zvinofanira kugadziriswa. Vanotaura kuti vana vari kubatanidzwa mumarudzi ose outsotsi uye kuti chisimba kuchikoro chiri kuramba chichiwedzera zuva nezuva. Saka, mumwe mukuru wechikoro chepuraimari kuSeoul, Republic of Korea, akasimbisa kuti kudzidzisa vana kuti vave nounhu kunofanira kukosheswa. Akati: “Kana waumba tsika dzakanaka mumwana wako wochimupa zivo.”

Vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vaende kukoreji uye vabudirire muupenyu havateereri nyevero. Kana uri mubereki, unoda kuti mwana wako ave munhu akaita sei? Ave munhu mukuru ane tsika uye akavimbika here? Ave munhu anofungawo vamwe, anonzwisisa, uye ane chivimbo here? Kana zvakadaro, tapota verenga nyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe