RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 4/15 p. 3
  • Kuda kwaMwari Kuri Kuitika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuda kwaMwari Kuri Kuitika Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mashoko Akafanana
  • “Ishe, Tidzidzisei Kunyengetera”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Tinofanira Kunyengetera Kuna Jesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chakaita Kuti Jesu Ave Mudzidzisi Mukuru
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 4/15 p. 3

Kuda kwaMwari Kuri Kuitika Here?

“Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:10.

ZVAKANGA zvichityisa kuna Julio naChristina kuona vana vavo vana vachitsva kusvikira vafa ivo vakatarisa. Motokari yavo yaiva yakapakwa yakanga yaroverwa nomumwe mutyairi akanga akadhakwa, ikabva yatanga kunganduma. Mwana wavo wechishanu, Marcos, akanunurwa kubva muvira remoto wacho, asi muviri wake wakanga watotsva zvokuremara zvachose. Aiva nemakore mapfumbamwe. Izvi zvakashungurudza baba vake chaizvo. Vaizvinyaradza uye vainyaradza mhuri yavo nemashoko okuti: “Uku kuda kwaMwari, tinofanira kunzwisisa izvozvo, zvingava zvakaipa kana kuti zvakanaka, chero zvazvingava.”

Panoitika njodzi yakafanana neiyi, vakawanda vanonzwawo saizvozvo. Vanoti, ‘Kana Mwari aine masimba ose uye aine hanya nesu, zvaitika zvinofanira kunge zvakatinakira, kunyange zvazvo zvakaoma kunzwisisa.’ Unobvumirana nazvo here?

Pfungwa yokuti zvose zvinoitika, zvingave zvakanaka kana kuti zvakaipa, kuda kwaMwari, inowanzotorerwa pamashoko aJesu ari mune unonzi Munyengetero waShe, une mashoko ari pamusoro apa. Kuda kwaMwari hakusi kuitwa kudenga here? Patinonyengetera kuti ‘Kuda kwenyu ngakuitike pasi pano,’ hatibvumi here kuti zvinoitika pasi pano kuda kwaMwari?

Vakawanda havana chokwadi nepfungwa iyi. Kwavari, inoita sokuti Mwari haanzwiri tsitsi vanhu vaakasika. Vanobvunza kuti, ‘Mwari ane rudo angada kuti zvinhu zvinotyisa zviitike kuvanhu vasina mhosva here?’ ‘Kana paine chidzidzo chinofanira kudzidzwa, chingava chei?’ Zvimwe ndiwo manzwiro aunoita.

Nezveizvi, munun’una waJesu nokuna amai, mudzidzi Jakobho, akanyora kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakaipa kana iye pachake haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Mwari haasi iye anokonzera zvakaipa. Saka zviri pachena kuti hazvisi zvose zvinoitika pasi pano nhasi zvinoitwa nokuda kwaMwari. Magwaro anotaurawo nezvokuda kwevanhu, kuda kwemarudzi, kunyange kuda kwaDhiyabhorosi. (Johani 1:13; 2 Timoti 2:26; 1 Petro 4:3) Unobvuma here kuti zvakaitika kumhuri yaJulio naChristina hazvigoni kunge zvaiva kuda kwaBaba vane rudo vokudenga?

Saka, Jesu airevei paakadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera vachiti: “Kuda kwenyu ngakuitike”? Chaingova chikumbiro chokuti Mwari apindire mune zvimwe zviitiko, kana kuti Jesu akanga achitidzidzisa kunyengeterera chimwe chinhu chikuru uye chiri nani here, kuchinja uko tose tinogona kutarisira? Ngationgororei zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]

Motokari: Dominique Faget-STF/AFP/Getty Images; mwana; FAO photo/B. Imevbore

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe