RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 3/1 p. 32
  • Kutenda Kungaporesa Vanorwara Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Kungaporesa Vanorwara Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 3/1 p. 32

Kutenda Kungaporesa Vanorwara Here?

PATINENGE tichirwara, tinoda kubatsirwa uye kupora. Zvimwe, unoziva kubva muBhaibheri kuti kakawanda Jesu Kristu akaporesa marudzi ose ezvirwere, achizorodza vose vairwara. Kuporesa ikoko kwaiitwa sei? Bhaibheri rinoti ne‘simba raMwari.’ (Ruka 9:42, 43; Mabasa 19:11, 12) Saka, waiva mudzimu mutsvene waMwari wairapa, kwete kungotenda kwomunhu wacho. (Mabasa 28:7-9) Ndosaka Jesu akanga asingadi kuti vanhu vanorwara vatange vataura kuti vaitenda maari kuti vazoporeswa.

Ungashamisika kuti: ‘Kurapa kunoshamisa chaingova chinhu chekare, kana kuti kuporesa kwakafanana nekwaiitwa naJesu kuchaitikazve here? Itariroi iripo nokuda kweavo vari kutambura nemarwadzo kana kuti vane chirwere chisingarapiki?’

Bhaibheri rinotsanangura kuti munyika itsva yaMwari yakarurama, simba raMwari richaitazve kuti kuporesa kunoshamisa kwakafanana nekwaiitwa naJesu paaiva pasi pano kuitwe. Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukuratidza kuti Mwari achaita sei uye rini zvisina kana muporesi upi zvake angaita—kubvisa hosha dzose, uyewo rufu. Chokwadi, Mwari ucha“paradza rufu nokusingaperi.”—Isaya 25:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe