Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiramba Zvichikushanyira?
MUNYIKA yose, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa kwazvo nokushingairira kwazvinoita muushumiri hwazvo hwepamba nemba. Vamwe vanhu zvinovanetsa kuti nei Zvapupu zvichiramba zvichivashanyira, kunyanya kana vakamboratidza kusanyanya kufarira shoko reZvapupu. Tsamba mbiri dzakabva kuRussia dzinobatsira kutsanangura chikonzero chacho.
Masha musikana ane makore 19 wokuKhabarovsk anobvuma kuti: “Kutaura chokwadi, kare ndaitiza Zvapupu zvaJehovha sokunge zvine mhezi.” Zvisinei, pashure pokuverenga magazini mashomanana akabudiswa neZvapupu, akachinja mafungiro ake. Masha anonyora kuti, “Zvose zvandakaverenga zvainakidza zvikuru uye zvaidzidzisa, asi zvinokosha ndezvokuti zvinokuita kuti uone nyika nenzira yakasiyana. Zvishoma nezvishoma ndakanzwisisa kuti nei vanhu vaine upenyu.”
Kubva kuguta reUssuriysk, riri makiromita 80 kuchamhembe kweVladivostok, Svetlana akanyora kuti: “Ndakatanga kuverenga Nharireyomurindi neMukai! nguva pfupi yapfuura. Magazini aya anodiwa chaizvo mazuva edu ano. Ndinonakidzwa nenyaya dzacho dzose. Dzinonakidza uye dzinodzidzisa zvikuru. Ndinokutendai! Ndinokutendai zvikuru kuti muri munyika ino uye nokuita basa romutsa rakadaro uye rinodiwa.”
Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinokoshesa mubvunzo unoda kufungisisa womuapostora Pauro wokuti: “[Vanhu] vachanzwa sei pasina mumwe munhu anoparidza?” (VaRoma 10:14) Unodii kuteerera kwemaminitsi mashomanana nguva inotevera pauchashanyirwa neZvapupu? Iwewo ungafarira shoko rinonyaradza rinowanika muShoko raMwari, Bhaibheri.