RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w04 1/1 p. 32
  • Mwari Ane Hanya Nesu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ane Hanya Nesu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
w04 1/1 p. 32

Mwari Ane Hanya Nesu Here?

UNONZWA uchiremerwa nepfungwa here pamusana pezvinetso zvemhuri yako, utano, basa, kana kuti mimwe mitoro inorema? Vakawanda vanodaro. Uye ndiani nhasi asinganetswi nokusaruramisira, kuparwa kwemhosva, uye chisimba? Chokwadi, ndizvo chaizvo zvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe uye zvichirwadziwa pamwe kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Saka hazvishamisi kuti vakawanda vanobvunza kuti: ‘Mwari ane hanya here? Achatibatsira here?’

Mambo akachenjera Soromoni akati kuna Mwari mumunyengetero: “Imi moga, ndimi munoziva mwoyo yavana vavanhu vose.” Soromoni aivimba kuti Mwari haangotizivi bedzi asiwo ane hanya nomumwe nomumwe wedu. Akakumbira Mwari kuti “inzwai henyu iko kudenga” uye kuti apindure minyengetero yomunhu mumwe nomumwe anotya Mwari anozivisa Mwari “kutambudzika kuri pamwoyo wake kana kuchema kwake.”—2 Makoronike 6:29, 30.

Nanhasi, Jehovha Mwari achine hanya nesu uye anotikoka kuti tinyengetere kwaari. (Pisarema 50:15) Anovimbisa kupindura minyengetero yemwoyo wose inopindirana nezvaanoda. (Pisarema 55:16, 22; Ruka 11:5-13; 2 VaKorinde 4:7) Chokwadi, Jehovha anoteerera ‘chero munyengetero kana chikumbiro chokunzwirwa nyasha chingaitwa chero naani zvake kana kuti nevanhu vake vose.’ Saka, kana tikavimba naMwari, tikanyengeterera kubatsirwa naye, uye tikaswedera pedyo naye, achatitungamirira nokutitarisira norudo. (Zvirevo 3:5, 6) Munyori weBhaibheri Jakobho anotivimbisa kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe