RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 12/1 pp. 3-4
  • Chavanoendera Kuchechi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chavanoendera Kuchechi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Kurarama Munguva Yokuchinja Kukuru muKorea
    Mukai!—2009
  • Ndakaona Boka raMwari Richiwedzera muKorea
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Chechi yeLatin America yava Munhamo Neiko Mamirioni Ari Kubuda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Chii Chiri Kuitika Kumachechi?
    Mukai!—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 12/1 pp. 3-4

Chavanoendera Kuchechi

“REPUBLIC of Korea zvino yava nevaPresbyterian vakawanda kupfuura vokuAmerica nekanoda kusvika kana.” Mashoko iwayo aiva mumagazini yeNewsweek angave akashamisa vaverengi vakawanda, sezvo vanhu vakawanda vachifunga kuti Korea inyika ine vanhu vakawanda vechiConfucian kana kuti chiBuddha. Nhasi, mushanyi angaona chechi dze“chiKristu” dzakawanda zvikuru ikoko, dzinowanzozivikanwa nemichinjikwa inenge ichibaka magetsi matsvuku. Pamisi yeSvondo, zvakajairika kuona vanhu vaviri vaviri uye vatatu vatatu vakabata maBhaibheri, vachienda kuchechi. Maererano neongororo ya1998, vanhu vokuKorea vanoda kusvika 30 muzana vanoenda kuchechi yeKaturike kana yePurotesitendi, kupfuura vaya vanozviti vaBuddha.

Mazuva ano, zvinoshamisa kuona vanhu vakawanda kudaro chero kupi zvako vachienda kuchechi nguva dzose. Kunyange zvakadaro, hazvisiri kuitika muKorea chete asiwo mune dzimwe nyika dzeAsia, uyewo muAfrica neLatin America. Nei vakawanda kudaro vachiri kutaura kuti vanodavira muna Mwari nepo kushaya hanya uye kusafarira chitendero zvinoita sezvazara panyika? Vanoenderei kuchechi?

Kuongorora kweGallup kwakabudisa kuti vanopfuura hafu yevanoenda kuchechi muKorea vari kutsvaka rugare rwepfungwa; chinenge chikamu chimwe muzvitatu chinotarisira upenyu husingaperi pashure porufu; uye mumwe chete muvanhu gumi anotarisira kuwana utano, pfuma, uye kubudirira.

Vanhu vakawanda muChina vanodirana kumachechi vaine tariro yokuwana chimwe chinhu chichazadza chido chavo chokunamata icho chazovapo pamusana petariro yemakwikwi okuda kupfuma iri kutsiva pfungwa yoMushandirapamwe zvishoma nezvishoma. Gore negore, mamiriyoni emaBhaibheri anodhindwa achiparadzirwa muChina, uye vanhu vanoita sevanoaverenga sezvavaiita kabhuku katsvuku kaMao.

Vamwe vaKaturike vomuBrazil, zvikurukuru chizvarwa chevechiduku, havasi kugutsikana nechipikirwa chomufaro muupenyu huri kuuya—vanoda kuti zvizadzike iye zvino. Magazini yenhau inonzi Tudo inoti: “Kana yaiva dzidziso yokurwira rusununguko yakakurudzira vanhu kuma1970, nhasi idzidziso yokubudirira.” Vaongorori vomuBritain vakakumbira vanhu vanopinda chechi ikoko kuti vataure chinhu chimwe chavaida pamusoro pechechi yavo. Vakawanda vavo vakataura kuti ushamwari.

Zvose izvi zvinoratidza kuti kunyange vanhu vakawanda vachiri kutenda muna Mwari, vazhinji vanonyanya kufunga pamusoro pezvavangawana iye zvino kupinda zvichauya—kana kuti kunyange pamusoro paMwari pachake. Unofunga kuti ndechipi chikonzero chakarurama chokutenda muna Mwari? Bhaibheri rinoti kudini nezvenhau yacho? Uchawana mhinduro yacho munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe