RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 9/15 p. 32
  • Apo Vimbiso Dzichava Dzechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Vimbiso Dzichava Dzechokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 9/15 p. 32

Apo Vimbiso Dzichava Dzechokwadi

NHAU izere nevimbiso dzisingazadziki. Kakawanda nyika dzakatadza kuchengeta zvibvumirano zvakanyatsosainwa zvokuti dzirege kuvengana, zvichiita kuti vanhu vadzo vagume varwisana zvakaipa. Napoleon akamboti: “Hurumende dzinochengeta zvadzinovimbisa padzinongomanikidzirwa kuita kudaro chete, kana kuti pazvinenge zvichidzibatsira idzo.”

Zvakadini nevimbiso dzinoitwa nevanhu? Zvinogumbura kwazvo apo munhu asingaiti zvaakataura! Izvi zvinonyanya kudaro apo anenge ari mumwe munhu waunoziva nokuvimba. Ichokwadi kuti vanhu vangava vasingakwanisi kana kuti vasingadi kuzadzika zvavanovimbisa.

Vimbiso dzinoitwa nevanhu dzakasiyana kwazvo nedzinoitwa naMwari! Vimbiso dzaMwari tinogona kunyatsova nechokwadi nadzo. Chero chinovimbiswa naJehovha Mwari ndechechokwadi. Chine chokwadi chokuzadzika. Ichitaura nezveshoko raMwari risingakundikani, Isaya 55:11 inoti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”

Saka, zvino, tinofanira kuona sei vimbiso dzaMwari dzakanyorwa muBhaibheri? Tinogona kuvimba nadzo zvechokwadi. Somuenzaniso, muapostora Johani akanyora kuti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Unogona kuwana zvikomborero zvakadaro kana ukaita maererano nemashoko aJesu anoti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe