RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 8/15 p. 32
  • Maonero Anoita Mwari Vakafa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maonero Anoita Mwari Vakafa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 8/15 p. 32

Maonero Anoita Mwari Vakafa

ZVECHOKWADI rufu rwomudiwa runorwadza. Kunzwa usina maturo, kusurukirwa, uye pfungwa yokurasikirwa hazvinzwisisiki. Kufirwa kungaita kuti munhu anzwe asingabatsiri, nokuti pasinei nepfuma, simba, kana kuti chiremera chaangava nacho, hapana munhu ari pasi pano iye zvino angadzorera munhu akafa kuupenyu.

Zvisinei, Musiki wedu anoona zvinhu nenzira yakasiyana. Sezvo akaumba munhu wokutanga neguruva revhu, anokwanisawo kusikazve munhu akafa. Nokuda kwechikonzero ichi, Mwari anogona kuona vakafa sokunge vapenyu. Nezvevashumiri vekare vakatendeka avo vakafa, Jesu akati: “Vose vapenyu [kuna Mwari].”—Ruka 20:38.

Paaiva pasi pano, Jesu akapiwa simba rokumutsa vakafa. (Johani 5:21) Saka, anoona vaya vakafa vakatendeka sokuonekwa kwavanoitwa naBaba vake. Somuenzaniso, pakafa shamwari yake Razaro, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndiri kuenda . . . kunomumutsa muhope.” (Johani 11:11) Kubva mumaonero omunhu, Razaro akanga akafa, asi kuna Jehovha naJesu, Razaro akanga akarara.

Pasi pokutonga kwoUmambo hwaJesu, kuchava “nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Pakupedzisira, vaya vanomutswa vachawana dzidzo inobva kuna Mwari vova netariro youpenyu husingaperi pasi pano.—Johani 5:28, 29.

Chokwadi, rufu rwomudiwa rungakonzera kurwadziwa nokusuruvara kukuru, zvingagara kwemakore. Kunyange zvakadaro, kuona vakafa sokuonekwa kwavanoitwa naMwari kungatiunzira nyaradzo huru kwotizadza netariro.—2 VaKorinde 1:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe