RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 8/1 p. 32
  • “Vanhu Vaviri Vakagogodza Pasuo Redu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vanhu Vaviri Vakagogodza Pasuo Redu”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 8/1 p. 32

“Vanhu Vaviri Vakagogodza Pasuo Redu”

“AVA makore maviri kubva zvatakava nokusuruvara kukuru kwokurasikirwa nomwanasikana wedu muduku.” Ndiwo matangiro anoita tsamba yaiva mupepanhau rinonzi Le Progrès, rinobudiswa muSaint-Étienne, France.

“Mélissa akanga ane mwedzi mitatu ndokurwara chirwere chinotyisa chetrisomy 18. Haumbonyatsokanganwi nhamo yakadaro inoratidzika kuva isina tsitsi. Kunyange zvazvo takarerwa tichitenda muchiKaturike, taivhiringidzwa nepfungwa yokuti ‘Mwari, kana muriko, nei muchibvumira zvinhu zvakadai kuitika?’” Zviri pachena kuti amai vakanyora tsamba iyoyo vakanga vakaora mwoyo uye vasina zvavangaita. Tsamba yavo inoenderera mberi ichiti:

“Nguva pfupi pashure pezviitiko izvi, vanhu vaviri vakagogodza pasuo redu. Ndakakurumidza kuziva kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndakanga ndava kuda kuvadzinga zvisina bopoto, asi zvino ndakabva ndaona bhurocha ravakanga vachigovera. Raiva pamusoro pokuti nei Mwari achibvumira kutambura. Saka ndakavabvumira kupinda mumba ndichida kupikisa zvavanotaura. Ndakafunga kuti kana kuri kutambura, mhuri yangu yakanga yatambura zvakanyanya zvokuti takanga tisisadi kunzwazve kutaura kwakajairika kwakafanana nokuti ‘Mwari ndiye akamupa kwatiri, uye Mwari ndiye amutora.’ Zvapupu zvacho zvakagara kweinoti pfuurei awa imwe chete. Vakanditeerera netsitsi huru, uye pavakanga vava kuenda, ndakanzwa zviri nani zvikuru zvokuti ndakabvuma kuti vazondishanyira zvakare. Izvi zvakaitika makore maviri akapfuura. Handina kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi ndakatanga kudzida Bhaibheri nazvo, uye ndinopinda misangano yazvo kakawanda sekandinogona.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe