RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 7/15 p. 3
  • Tinoda Kubatsirwa Nevamwe Chaizvoizvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoda Kubatsirwa Nevamwe Chaizvoizvo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwedzera Kwedambudziko Rekusurukirwa—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Kunzwa Wavhiringika Zvikuru
    Mukai!—2001
  • Zvaungaita Kana Uchisurukirwa
    Dzimwe Nyaya
  • Zvinoita Kuti Tisakwanisa Kuzviraramira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 7/15 p. 3

Tinoda Kubatsirwa Nevamwe Chaizvoizvo Here?

“PATINOONGORORA upenyu hwedu nemabasa edu, tinobva tangoona kuti zvinenge zvose zvatinoita nezvatinoda zvakabatana chaizvo nokuvapo kwevamwe vanhu,” akataura kudaro musayendisiti anozivikanwa zvikuru Albert Einstein. Akawedzera kuti: “Tinodya zvokudya zvakarimwa nevamwe, tinopfeka zvipfeko zvakasonwa nevamwe, tinogara mudzimba dzakavakwa nevamwe. . . . Munhu ari zvaari uye anokosha sezvaanoita kwete zvikuru nemhaka yokuva kwake oga, asi kuti senhengo yenzanga yevanhu yakakura, inotungamirira kuvapo kwake munyama uye pakunamata kubva pakuberekwa kusvikira muguva.”

Kana dziri mhuka, tinowanzoona kushamwaridzana kwemasikirwo adzo. Nzou dzinofamba dziri zvikwata, dzichidzivirira mhuru dzadzo nokungwarira. Shumbakadzi dzinovhima pamwe chete uye dzinodya nehono zvokudya zvadzo. Madolphin anotamba pamwe chete uye akatodzivirira dzimwe mhuka kana kuti vanhu vaishambira vakanga vaomerwa.

Zvisinei, kana vari vanhu, masayendisiti anoongorora magariro evanhu akacherechedza kamwe kamuitiro kanokonzera kunetseka kuri kukura. Maererano nerimwe pepanhau rinobudiswa muMexico, mamwe masayendisiti anoti “makumi emakore okuzvitsaura pane vamwe uye kuparara kwoupenyu hwokugara nevamwe munzanga zvava kuva nomugumisiro usina kunaka pavanhu vomuUnited States.” Pepanhau racho rakataura kuti “kubudirira kworudzi rwacho kwaienderana nokuchinja kwemagariro evanhu kwakakura, kwaisanganisira kudzoka pakurarama nevamwe munzanga.”

Chinetso ichi chanyanya kupararira pakati pevaya vanogara munyika dzakasimukira. Pane kamuitiro kari kukurumidza kukura kokuzvitsaura pane vamwe kwevakawanda. Vanhu vanoda ‘kuzviraramira’ uye vanoramba zvakasimba kuti vamwe ‘vapindire muupenyu hwavo.’ Zvakanzi mafungiro akadai aita kuti vanhu vasatane kuva nezvinetso zvomupfungwa, kuora mwoyo, uye kuzviuraya.

Maererano neizvi, Dr. Daniel Goleman akati: “Kuzvitsaura pane vamwe vanhu—pfungwa yokuti munhu haana waanotaurira zvaanofunga pachake kana kushamwaridzana naye zvakasimba—kunoita kuti mukana wokurwara kana kufa uwedzere zvakapetwa kaviri.” Imwe nyaya yakabudiswa mumagazini inonzi Science yakataura kuti kuzvitsaura pane vamwe ‘kunongokonzera kufa sezvinoita tsika yokusvuta fodya, BP, mafuta omumuviri akawandisa, kufuta, uye kusarovedza muviri.’

Saka, nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, tinoda kubatsirwa nevamwe chaizvoizvo. Hatigoni kuzviraramira. Saka chinetso chokuzvitsaura pane vamwe chingagadziriswa sei? Chii chakaita kuti upenyu hwevakawanda hunyatsova nezvahunoreva? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyoyo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

“Zvinenge zvose zvatinoita nezvatinoda zvakabatana chaizvo nokuvapo kwevamwe vanhu.”—Albert Einstein

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe