RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 7/1 p. 3
  • Rudo Runokosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo Runokosha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Rudo Rwako Rwakakura Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 7/1 p. 3

Rudo Runokosha

PASINEI nezera, tsika, mutauro, kana kuti dzinza, vanhu vose vane nzara yokuda kudiwa. Kana nzara iyoyo isina kupedzwa, havafari. Mumwe muongorori wezvokurapa akanyora kuti: “Rudo noushamwari ndizvo zvinogona kutema zvinoita kuti tirware uye zvinoita kuti tinzwe zvakanaka, zvinokonzera kusuruvara uye zvinounza mufaro, zvinoita kuti titambure uye zvinokonzera kupora. Kudai piritsi idzva raishanda saizvozvo, vanachiremba vose munyika vaizodai vachikurudzira varwere vavo kurishandisa. Kwaizova kutadza basa kusakurudzira kushandiswa kwaro.”

Asi, nzanga yemazuva ano, zvikurukuru zvinobudisa nhau zvayo uye mienzaniso yokutevedzera yakakurumbira, kazhinji inonyanya kusimbisa pfuma, simba, mukurumbira, uye zvepabonde kudarika zvinodiwa nevanhu kuti vave noukama hwakanaka, hune rudo. Vadzidzisi vakawanda vanosimbisa zvinangwa uye mabasa enyika, vachirondedzera kubudirira zvikurukuru maererano neizvozvo. Chokwadi, dzidzo uye kukudziridzwa kwemano omunhu zvinokosha, asi zvinofanira kutsvakwa nechinangwa chakadaro here zvokuti munhu anoshayiwa nguva yokuva nemhuri neshamwari? Mumwe munyori wekare akadzidza uyo aiva mucherechedzi akachenjera womusikirwo wevanhu akaenzanisa munhu ane chipo asi asina rudo ne“ndarira inorira kana kuti makwakwakwa esimbi anorira.” (1 VaKorinde 13:1) Vanhu vakadaro vangava vapfumi, kunyange vane mukurumbira, asi vasingambofari chaizvoizvo.

Jesu Kristu, uyo ainyatsonzwisisa zvakaita vanhu uye aivada zvikuru, akaisa kuda Mwari nomuvakidzani munzvimbo chaiyo inokosha pakudzidzisa kwake. Akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose. . . . Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:37-39) Vaya chete vakatevera mashoko aya ndivo vaizova chaizvoizvo vateveri vaJesu. Saka, akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”—Johani 13:35.

Zvisinei, munhu angakudziridza sei rudo munyika yanhasi? Uye vabereki vangadzidzisa vana vavo rudo sei? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Zvakaoma kukudziridza rudo munyika inodzorwa nemakaro

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe