RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 6/15 p. 32
  • Inongova Tsika Here Kana Kuti Chiokomuhomwe?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Inongova Tsika Here Kana Kuti Chiokomuhomwe?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 6/15 p. 32

Inongova Tsika Here Kana Kuti Chiokomuhomwe?

PANE mamwe makoreji okuPoland, vadzidzi vane tsika yokuunganidza mari yokutengera vadzidzisi vavo zvipo, vachitarisira kuwana mamakisi akanaka pabvunzo dzavo. Ndosaka mumwe muKristu wechiduku anonzi Katarzyna akatarisana nechinetso. Akanetseka kuti “Ndopa mari here kana kuti kwete?” Vezera rake vakamuudza kuti: “Itsika yatakajaira. Hapana chaunorasikirwa nacho, asi unogona kuwana zvakawanda, saka nei uri kunetseka?”

“Ichokwadi kuti mugore rangu rokutanga kudzidza, ndakabatanidzwa mukuunganidzwa kwemari,” anobvuma kudaro Katarzyna. “Ndakatozoona gare gare kuti nenzira iyi ndakanga ndatsigira chiokomuhomwe, chinoshorwa muBhaibheri.” Akayeuka magwaro anoratidza kuti Jehovha anoshora zvakasimba chiokomuhomwe. (Dheuteronomio 10:17; 16:19; 2 Makoronike 19:7) Katarzyna anoti: “Ndakanzwisisa kuti zviri nyore sei kufurirwa nevezera rako. Ndakafunga nezvazvo uye kubvira ipapo handina kuzombobatanidzwazve mutsika yacho.” Mumakore matatu apfuura, pasinei nokushorwa kwaakaitwa nevamwe vadzidzi, akakwanisa kutsanangurira vamwe kuti haabatanidzwi mu“zvipo” zvinounganidzwa izvi pamusana pezvaakadzidza muBhaibheri.

Vamwe vakapomera Katarzyna kuti ane udyire uye ane pfungwa dzakashata. “Nanhasi handiwirirani nevamwe vavo,” anodaro. “Asi vakawanda vanoremekedza maonero angu, zvinoita kuti ndifare.” Katarzyna akasvika pakuzivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, zvinochengeta nheyo dzemitemo yeBhaibheri muupenyu hwemazuva ose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe