RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 5/15 p. 32
  • Sarudza Upenyu Husingaperi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sarudza Upenyu Husingaperi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 5/15 p. 32

Sarudza Upenyu Husingaperi

VANHU havana kumbobvira vava nezvinhu zvakawanda zvakadaro zvokusarudza. Somuenzaniso, mbatya dzatinopfeka, zvokudya zvedu, uye kwatinoshanda uye kwatinogara kakawanda zvinhu zvatinofanira kuzvisarudzira. Munzvimbo dzakawanda dzenyika, zvakajairikawo kusarudza wokuroorana naye. Zvisinei, Bhaibheri rinopa chimwe chisarudzo chinodarika zvimwe zvisarudzo zvose—chakazarukira vanhu vose.

Bhaibheri rinoti: “Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; asi unotevera zvakaipa, unovinga rufu rwake.” (Zvirevo 11:19) Uye Jesu Kristu akazivisa kuti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

Chokwadi Musiki wedu akatipa mukana wokusarudza nzira inogona kutungamirira kuupenyu husingaperi! Tinofanira kuitei kuti tiwane upenyu husingaperi?

Maererano neBhaibheri, “panzira yakarurama ndipo pane upenyu.” (Zvirevo 12:28) Tinogona kuva pakati pevakarurama vari munzira yokuupenyu husingaperi. Sei? Nokuva nechokwadi chokuti upenyu hwedu hunowirirana nokuda kwaMwari uye mirayiro yake. (Mateu 7:13, 14) Saka ngatiite chisarudzo chakarurama towana chipo chaMwari choupenyu husingaperi.—VaRoma 6:23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe