RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 4/15 p. 32
  • Mutsa Une Rudo Unokosha Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mutsa Une Rudo Unokosha Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 4/15 p. 32

Mutsa Une Rudo Unokosha Sei?

“MUNHU unodikanwa nokuda kwounyoro hwake” [“mutsa une rudo,” NW] rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 19:22) Chokwadi, mabasa omutsa anokurudzirwa norudo anodiwa chaizvo. Zvisinei, mashoko okuti “mutsa une rudo” muBhaibheri, anoreva mutsa ungavakirwa paukama hwagara huripo, zvakadai sohuya hwakavakirwa pamabasa omutsa wakamboitirwa mumwe munhu. Saka, unosanganisira pfungwa yokuvimbika.

Mambo Joashi weJudha akakundikana kukudziridza unhu uhwu hunodiwa. Akava nechikwereti chikuru chokuonga kuna tete vake uye kuna Jehoyadha, sekuru vake. Joashi paakanga asati asvitsa gore, ambuya vake vakaipa vakazviita mambokadzi ndokuuraya madzikoma aJoashi ose, vaiva vadyi venhaka yechigaro choumambo. Kunyange zvakadaro, vakakundikana kuuraya Joashi muduku nokuti tete vake nasekuru vakanga vanyatsomuviga. Vakamudzidzisawo Mutemo waMwari. Joashi paakanga ava nemakore manomwe, sekuru vake vakashandisa simba ravo somupristi mukuru kuuraya mambokadzi akaipa uye kugadza Joashi pachigaro choumambo.—2 Makoronike 22:10–23:15.

Joashi muduku akatonga samambo zvakanaka kwazvo kusvikira sekuru vake vafa, asi zvadaro akatanga kunamata zvidhori. Mwari akatuma Zekariya, uyo aiva mwanakomana waJehoyadha, kunonyevera Joashi nezvokuramba kutenda kwake. Joashi akaita kuti Zekariya atakwe nematombo. Kwaiva kusavimbika kunokatyamadza zvikuru kumhuri yakanga yamubatsira zvakadaro!—2 Makoronike 24:17-21.

Bhaibheri rinoti: “Mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka [“mutsa une rudo,” NW] zvaakanga aitirwa nababa va[Zekariya], asi wakauraya mwanakomana wake.” Paakanga achifa, Zekariya akati: “Jehovha ngaatarire chinhu ichi, achitsive.” Maererano nemashoko aZekariya, Joashi akava murume anorwara zvikuru uye akaurayiwa nevaranda vake pachake.—2 Makoronike 24:17-25.

Pane kuita saMambo Joashi, vose vanotevera zano iri vachava nenguva yemberi inoshamisa: “Rudo [“mutsa une rudo,” NW] nezvokwadi ngazvirege kukusiya. . . . Nokudaro uchawana nyasha . . . pamberi paMwari navanhu.”—Zvirevo 3:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe