RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 3/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • ‘Itai Izvi Muchindiyeuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Nei Tichikoshesa Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Chiitiko Chinotidzidzisa nezvaMambo Wekudenga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 3/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pangava here nechingaitwa kana muKristu akazodzwa anorwara akaona zvisingabviri kupinda musangano weungano wokurangarira Kudya kwaShe Kwemanheru?

Hungu. Chimwe chinhu chingaitwa uye chinofanira kuitwa pachifungwa nezvomuKristu akazodzwa anenge achirwara uye zvichida ari pamubhedha uye pamusana peizvozvo asingakwanisi kuvapo apo ungano inochengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Mumamiriro ezvinhu akadaro, dare revakuru rinogona kuronga kuti mukuru kana kuti mumwe muKristu akura wechirume aende nechimwe chingwa newaini zvokuratidza kumuKristu iyeye usiku ihwohwo zuva risati rabuda.

Zvichienderana nemamiriro ezvinhu, mukuru anoshanya kana imwe hama iya, inogona kutaura mashoko mapfupi yoverenga magwaro akakodzera. Anogona kutevedzera muenzaniso wakaitwa naJesu Paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru. Somuenzaniso, Mateu 26:26 ingaverengwa chingwa chisina mbiriso chobva chagamuchidzwa pashure pomunyengetero. Zvadaro, hama inenge yashanya ingaverenga Mateu chitsauko 26, ndima 27 ne28, waini yobva yagamuchidzwa pashure pomumwe munyengetero. Pangataurwa mashoko mapfupi okuti zviratidzo zvinorevei, uye munyengetero wokupfiga ungava wakakodzera.

Zvechokwadi, tinofanira kuedza nepatinogona napo kuvapo panochengeta ungano Kudya kwaShe Kwemanheru. Asi chii chingaitwa mumamiriro ezvinhu akaomesesa anosanganisira muKristu akazodzwa ari kurwarisa, ari muchipatara, kana akundikana kuchengeta Chirangaridzo pashure pokunyura kwezuva musi waNisani 14? Akazodzwa iyeye anofanira kushandisa muenzaniso wezvaiitwa muMutemo waMosesi ochichengeta oga papera mazuva 30.—Numeri 9:9-14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe