RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 2/15 p. 32
  • “Ndakanga Ndisingazivi Zvakawanda nezvaMwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndakanga Ndisingazivi Zvakawanda nezvaMwari”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 2/15 p. 32

“Ndakanga Ndisingazivi Zvakawanda nezvaMwari”

“GORE rapera, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichindishanyira zvichindiudza mashoko anofadza oUmambo hwaMwari. Ndakanga ndiri muKaturike kwemakore masere, asi ndakanga ndisingazivi zvakawanda nezvaMwari. Mugore rino chete, ndadzidza zvakawanda,” akanyora kudaro mumwe murume anogara muKerala, kuIndia. “Ndiri kufara chaizvo kuziva kuti Nharireyomurindi iri kubudiswa mumitauro 139 [zvino 146],” akaenderera mberi achidaro. “Zvinoshamisa kuti vanhu vemapoka ose emitauro vari kusvika pakuziva shoko raMwari.”

Kunyange zvazvo vazivi vakawanda vachitaura kuti hazvikwanisiki kuziva Mwari, muapostora Pauro akaratidza zvakajeka kuti izvi zvinokwanisika. Achitaura kuboka revaAtene, vamwe vavo vainamata paatari yakanga yakatsaurirwa kuna “Mwari Asingazivikanwi,” Pauro akati: “Chamuri kuzvipira kwachiri saMwari musingazivi, ndicho chandiri kukuparidzirai. Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, . . . anopa vanhu vose upenyu nokufema nezvinhu zvose. Uye akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe, kuti agare pamusoro pepasi rose.”—Mabasa 17:23-26.

Pauro akakurudzira vateereri vake kuti vatsvake kuziva Musiki, nokuti ha“asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kusvika pakuziva Mwari wechokwadi uye unhu hwake hunofadza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe