RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 2/1 p. 32
  • Kutendeseka—Kunodiwa, asi Kwakakwana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutendeseka—Kunodiwa, asi Kwakakwana Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 2/1 p. 32

Kutendeseka—Kunodiwa, asi Kwakakwana Here?

KUTENDESEKA kunodiwa chaizvoizvo here muupenyu hwedu hwezuva nezuva? “Kutendeseka” kunorondedzerwa so“kusanyepedzera kana kuti kusanyengera; kutendeka; kururama; kuva wechokwadi.” Zviri pachena kuti unhu uhwu hunobatsira pakusimbisa ukama hwakanaka nevamwe. Muapostora Pauro akarayira kuti: “Teererai avo vari vanatenzi venyu pazvinhu zvose panyama, kwete kushanda pamunenge muchionekwa, sevanofadza vanhu, asi nemwoyo wose, nokutya Jehovha.” (VaKorose 3:22) Ndiani aisazofarira kuva nomunhu anomushandira akatendeseka kudaro? Nhasi, vanhu vakatendeseka vangava nomukana uri nani wokuwana ndokuchengeta mabasa avo.

Zvisinei, chinoita kuti kutendeseka kudiwe zvikuru inzira yakunosimbisa nayo ukama hwedu naMwari. VaIsraeri vekare vakawana chikomborero chaMwari pavakanyatsochengeta mitemo uye mitambo. Paaikurukura nezvorucheno rweungano, Pauro akakurudzira vaKristu kuti: “Ngatichengete mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso youshati nouipi, asi nezvingwa zvisina kuviriswa zvokutendeseka nechokwadi.” (1 VaKorinde 5:8) Kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naMwari, kutendeseka hakungodiwi chete asi kunokoshawo. Asi, ona kuti kutendeseka kwoga hakuna kukwana. Kunofanira kuzadzikiswa nechokwadi.

Vagadziri uye vanhu vaiva muTitanic vangave vakabvuma nomwoyo wose kuti ngarava yacho yaisazonyura. Zvisinei, parwendo rwayo rwokutanga muna 1912, yakarovera pazaya rechando uye vanhu 1 517 vakafa. Vamwe vaJudha vomuzana remakore rokutanga vangave vakatenda nomwoyo wose manamatiro avaiita Mwari, asi kushingaira kwavo kwaisava “maererano nezivo yakarurama.” (VaRoma 10:2) Kuti isu tigamuchirwe naMwari, zvatinotenda nomwoyo wose zvinofanira kubva pamashoko akarurama. Zvapupu zvaJehovha zviri munzanga yako zvichafara kukubatsira kuona zvinobatanidzwa mukushumira Mwari nokutendeseka nechokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe