RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 11/15 p. 32
  • Basa Rinosimudzira Tsika Dzakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Rinosimudzira Tsika Dzakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 11/15 p. 32

Basa Rinosimudzira Tsika Dzakanaka

Gore ra2001 rava kupera, vaya vainge vakavhura Redhiyo panhepfenyuro yenyika yeMozambique vakanzwa chiziviso ichi:

“Mutungamiriri weRepabhuriki ino ashanyira zvivako zvebazi reZvapupu zvaJehovha riri muMaputo. Akurudzira sangano iri rechitendero kuwedzera basa razvo mukusimudzira tsika dzakanaka mumhuri uye kudzidzisa vanhu vakuru richishandisa mapurogiramu aro okudzidzisa kuverenga nokunyora. Vanhu vanenge 10 000 vakatobatsirwa nemapurogiramu aya. Maererano naVaChissano Mutungamiriri wenyika ino, mapurogiramu akadai anofanira kutendwa, sezvo achibatsira nzanga mukugadzirisa zvinetso zvedzidzo zvichiri kusangana nenyika ino.”

Chiziviso chacho chakaenderera mberi nemashoko anotevera akarekodwa akataurwa noMutungamiriri wenyika yacho anoti: “Zvinotikurudzira chaizvo kuona vanhu vakawanda vachifarira kudzidza. Zvinotiratidza kuti zvizvarwa zvenyika inowo zvichatibatsira kuwedzera uwandu hwevakadzidza. Saka, ndinongoda kukurudzira Zvapupu zvaJehovha kuti zviwedzere mapurogiramu azvo okudzidzisa, chero mumutauro upi. Chinonyanya kukosha ndechokuti pane dzidzo uye vanhu vanokwanisa kutaurirana nyore nyore uye munguva ichauya vachabatanidzwawo kwazvo mune zvedzidzo.”

Zvapupu zvaJehovha muMozambique zvinoitisa makirasi okudzidzisa kuverenga munzvimbo dzinosvika 850 munyika yacho yose kuitira kuti vanhu vakwanise kuzviverengera Shoko raMwari. Uyezve, zvinodzidzisa Bhaibheri pachena pamusha vanhu vanosvika 50 000 vhiki yoga yoga. Zvose izvi chimwewo chikamu chepurogiramu yedzidzo yeBhaibheri yomunyika yose iri kuitwa munyika dzinosvika 235 iye zvino. (Mateu 24:14) Iwewo unogona kubatsirwa nepurogiramu iyi. Tapota inzwa wakasununguka kutaura neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe