RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 11/15 pp. 3-4
  • Nzvimbo Dzokunamatira—Tinodzida Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzvimbo Dzokunamatira—Tinodzida Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Musarega Kuungana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Chii Chiri Kuitika Kumachechi?
    Mukai!—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 11/15 pp. 3-4

Nzvimbo Dzokunamatira—Tinodzida Here?

‘Zviuru zvevatendi vakapfeka nguo dzakaisvonaka vari kuenda kunzvimbo tsvene vachibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika, mapoka emaIndia ari kudzokorora kutamba kunofungidzirwa kuti kwaimboitwa kumutinhimira wengoma vanhu veSpain vasati vauya, uye vakatendeka ava vanotsvikinyidza nomuboka revanhu kuti vapinde muimba yomukati metemberi vachifamba nemabvi uye mumigwagwa yakapoteredza chechi yacho.’

NDOKURONDEDZERWA kwerimwe gurusvusvu revanhu kwakaitwa nepepanhau rinonzi El Economista muna December 2001. Panguva iyoyo vanhu vanenge mamiriyoni matatu vakashanyira chechi iri muMexico City kuti varatidzire kutenda kwavo kuMhandara yeGuadalupe. Zvimwe zvivako zvechitendero zvakadai seSt. Peter’s Basilica iri muRome, zvinokwezvawo vashanyi vakawanda.

Zvivako zvechitendero zvinokosha zvikuru kune vakawanda vanoda kunamata Mwari. “Kwandiri, chechi yaiva nzvimbo yandaigona kuva pedyo naMwari,” anodaro Maria wokuBrazil. “Yaiva nzvimbo tsvene. Ndaifunga kuti kuenda kuchechi kwaichenesa mweya uye kuti chaiva chivi kurega kuenda kuMisa uye kurega kuenda kunoreurura musi weSvondo woga woga.” Consuelo wokuMexico anoti: “Chechi yakaita kuti ndifare zvikuru; ndaiikoshesa kwazvo. Ndiri ikoko, ndainzwa sokuti ndaiva mudenga.”

Kunyange zvazvo vamwe vachikoshesa machechi zvikuru, vamwe havana chokwadi nezvokukosha kwawo senzvimbo dzokunamatira. Achitaura nezvokuderera kwevanopinda chechi, Peter Sibert, mupristi weKaturike muEngland, anoti: “[Vanhu] vanosarudza zvimwe zvezvavanoda muchitendero. Vanhu vakuru vakawanda vaKaturike uye vanorarama maererano nokutenda kwavo—asi vechiduku havana pfungwa yokuzvipira.” Daily Telegraph yeLondon yaNovember 20, 1998, yakati: “Kubva muna 1979 anenge machechi 1 500 akavharwa muEngland zvichienzaniswa nemachechi 495 akatangwa uye 150 akavakwazve.”

Muna 1997 pepanhau rinonzi Süddeutsche Zeitung reMunich, Germany, rakashuma kuti: “Machechi ari kuchinjwa kuva dzimba dzokuonera mafirimu uye dzokugara: Vatendi havasi kuuya, nzvimbo dzokunamatira dziri kuchinjwa. . . . Zvave zvichitoitwa muNetherlands kana kuti muEngland zviri kuitwawo muGermany.” Rakatizve: “Mumwe munhu anogona kuziva nezvokutengeswa kunoshamisa kwemachechi 30 kana kuti 40 muGermany mumakore mashomanana adarika.”

Zvivako zvechitendero zvinokosha chaizvoizvo here pakunamata Mwari? Magwaro anotaura here kuti kare kwaimbovawo nemachechi emaoresa? Zvivako zvorudzii zvave zvine chokuita nokunamata Mwari wechokwadi uye mupenyu? Tingadzidzei kwazviri nezvokudiwa kwenzvimbo dzokunamatira uye nezvezvinofanira kuitwa ikoko?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe