RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 10/15 p. 32
  • “Ugova Wakachenjera”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ugova Wakachenjera”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 10/15 p. 32

“Ugova Wakachenjera”

“Vanhu vakawanda vanoshandisa makore avo okutanga zvokuti vanenge vasisina mufaro pane okupedzisira.” Akadaro Jean de La Bruyère, mumwe munyori wokuFrance womuzana remakore rechi17. Zvechokwadi, munhu wechiduku ane mwoyo miviri angatadza kusarudza, achinzwa kusagutsikana nokuzvidemba. Ukuwo, wechiduku akaoma musoro angaramba achifamba nenzira yokusachenjera, zvozoita kuti asafare gare gare muupenyu. Chero zvazviri, zvivi zvinokonzerwa nokusaita zvakarurama kana kuti zvokupara mhosva zvinogona kutungamirira kukusafara.

Mugumisiro wakadaro ungadziviswa sei? Shoko raMwari rinonyevera vanhu vaduku pamusoro pokuva nemwoyo miviri richiti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: ‘Handifariri izvozvo.’” (Muparidzi 12:1) Kana uri wechiduku, kusarudza kwako ngakuve kwakanaka kuti udzidze nezve“Musiki wako” uchiri muduku.

Saka Bhaibheri rinobatsira sei vanhu vaduku kuti vasaite zvechipwere? Rinoti: “Teerera kana uchirayirirwa, unzwe kana uchidzidziswa, kuti pashure ugova wakachenjera.” (Zvirevo 19:20) Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti kuramba uchenjeri hwaMwari zvichibva pakuregeredza kana kupanduka kunoitwa uri muduku, kana rimwewo zera, kunobereka zvinovava. (Zvirevo 13:18) Ukuwo, kuteerera nhungamiro dzaMwari kunoguma na“mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare,” upenyu hunogutsa uye hune zvahunoreva.—Zvirevo 3:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe