RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 10/1 p. 32
  • Unofanira Kuva Munhu Asina Hanya Nezvakawanda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kuva Munhu Asina Hanya Nezvakawanda Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 10/1 p. 32

Unofanira Kuva Munhu Asina Hanya Nezvakawanda Here?

VANHU vakawanda zvichida vaizonzwa sokuti kana vakanzi munhu asina hanya nezvakawanda, munhu uya akadekara, akanyarara, anoshivirira, vanenge varumbidzwa. Zvisinei, pane rumwe rudzi rwokuva asina hanya nezvakawanda ruripo. Bhaibheri rinoti: “Kusava nehanya kwamapenzi kuchaaparadza.” (Zvirevo 1:32) Izvozvo zvinorevei?

Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandura shoko irori repakuvamba rechiHebheru nemashoko akadai sokuti “kusava nehanya” (American Standard Version), “kudekara” (The New American Bible), uye “kusakendenga.” (The New English Bible) Mupfungwa iyi kusava nehanya nezvakawanda kune chokuita nousimbe, kusangwaririra uye ufuza kana kuti upenzi.

Muzana remakore rokutanga, vaKristu vaiva muungano yeRaodhikiya vaiva vasingazivi nemhaka yokusava nehanya kana kuti vakanga vasingakendengi pamusoro pokuperevedza kwavo mumudzimu. Vaitozvirumbidza vakadekara kuti vakanga ‘vasina chavanoshayiwa.’ Jesu Kristu akavaruramisa, achivakumbira kumutsiridza kushingaira kwavo kwechiKristu.—Zvakazarurwa 3:14-19.

Vanhu vomuzuva raNoa vaivawo vasingakendengi. Vakanga vakabatikana nezvinhu zvoupenyu hwezuva nezuva, “vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa . . . , uye havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” Jesu akabva awedzera kuti: “Ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu.”—Mateu 24:37-39.

Uprofita hweBhaibheri hwakazadzika hunoratidza kuti tiri kurarama mu“kuvapo kwoMwanakomana womunhu,” Jesu Kristu. Ngatirege kusakendenga, kusava nehanya, kudekara—kusava nehanya nezvakawanda mupfungwa isiriyo.—Ruka 21:29-36.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe