RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 8/1 p. 3
  • Kurarama Uchidzorwa Nokudavira Mashura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurarama Uchidzorwa Nokudavira Mashura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda Mashura—Nei Kuchipfuurira Kwazvo?
    Mukai!—1999
  • Kudavira Mashura Kunodzora Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kutenda Mashura—Kwakapararira Sei Nhasi?
    Mukai!—1999
  • Rudzidziso Rwechokwadi Runotanda Rutyo—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 8/1 p. 3

Kurarama Uchidzorwa Nokudavira Mashura

UNOPOTSA wadhumana nomumwe munhu paunenge uchibva pamba pako. Unogumburwa chigunwe chako nedombo. Imwe shiri inochema usiku. Unoramba uchirota chinhu chimwe chete. Kuvanhu vakawanda, izvi zvinhu zvisingashamisi, zvisina basa. Asi kune vamwe vanhu kuWest Africa, izvi zvinogona kuonekwa sezviratidzo, mashura, kana kuti mashoko anobva kunyikadzimu. Zvinonzi pachaitika rombo, zvichida rakanaka kana rakaipa, zvichienderana nechiratidzo chacho nokududzirwa kwacho.

Ichokwadi kuti vamwe vanhu vasiri vomuAfrica vanodavirawo mashura. Kunyange zvazvo vakararama makore nemakore vachidavira kuti hakuna Mwari, zvinoshamisa ndezvokuti vanhu vakawanda muChina nomudzimwe nyika dzeyaimbova Soviet Union vachiri kuomerera pakudavira mashura. Munyika dzoKumavirira, vakawanda vanoverenga nezvenyeredzi dzavo mumapepanhau nemagazini, vanozeza musi wa13 kana chiri Chishanu, uye havadi kuona katsi nhema. Vamwe vanhu vokuFar North vanoona chiedza chinobuda kumusoro sechinoshura hondo nomukondombera. MuIndia, AIDS iri kuparadzirwa nevatyairi vemarori makuru vanodavira kuti vanofanira kurara nevakadzi kuti vafefeterwe mazuva akunenge kuchipisa. KuJapan, vashandi vanochera migwagwa yepasi pevhu vanodavira kuti zvinounza rombo rakaipa kana mukadzi akapinda mumugwagwa wacho usati wapedza kuvakwa. Kudavira mashura kuzerewo mumitambo. Mumwe mutambi wevolleyball akatoti vanogara vachihwina nokuti anopfeka masokisi matema panzvimbo pemachena. Nyaya dzokudavira mashura hadziperi.

Zvakadini newe? Une kakutya kako woga, kasingatsananguriki here? Unonetseka ne“pfungwa, rudaviro rwakati, kana kuti tsika pasina zvikonzero zvokuti udaro” here? Mhinduro yauchapa ingaratidza kana upenyu hwako huchidzorwa nokudavira mashura, nokuti ndiyo rondedzero yo“kudavira mashura” inopiwa nerimwe bhuku.

Munhu anobvumira kuti kudavira mashura kudzore zvisarudzo zvake nemararamiro ake emazuva ose ari kuzvibvumira kudzorwa nechimwe chinhu chaasinganyatsonzwisisi. Kuchenjera here ikoko? Tinofanira kudzorwa nesimba rakadaro risinganzwisisiki uye zvichida rakaipa here? Kudavira mashura kunokuvadza kana kuti kune ngozi here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe