RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 6/15 p. 31
  • Nguva Yokuzivisa Chakavanzika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yokuzivisa Chakavanzika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 6/15 p. 31

Nguva Yokuzivisa Chakavanzika

Kuchengeta zvimwe zvinhu zvakavanzika kungabudisa musiyano uri pakati porunyararo uye kukakavadzana. Asi pane nguva yokuzivisa chakavanzika here? Cherechedza zvinotaura muprofita Amosi nezvaMwari wake: “Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.” (Amosi 3:7) Mumashoko aya, tinogona kudzidza chimwe chinhu pamusoro pezvakavanzika. Jehovha angachengeta zvimwe zvinhu zvakavanzika kwenguva yakati uye ozozvizivisa kune vamwe vanhu. Tingatevedzera sei Jehovha munhau iyi?

Dzimwe nguva, vafudzi vakagadzwa muungano yechiKristu vanowana zvichibatsira kuchengeta imwe nyaya yakavanzika. (Mabasa 20:28) Somuenzaniso, vaine pfungwa yokubatsira ungano, vangasarudza kuramba vakachengeta humwe urongwa kana mimwe mitoro inenge yachinjwa muungano yakavanzika kusvikira nguva yakati.

Zvisinei, muchiitiko chakadai, zvinokosha kujekesera vaya vanobatanidzwa kuti nyaya yacho ichaziviswa here, riini uye nenzira ipi. Kuziva kuti ndiriini pachaziviswa imwe nyaya kungavabatsira kuchengetedza zvakavanzika zvacho.—Zvirevo 25:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe