RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 6/1 p. 29
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Unofanira Kubhapatidzwazve Here?
    Mukai!—1994
  • Unofanira Kubhapatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 6/1 p. 29

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kunyudzwa mumvura zvakakwana kunodiwa here kana munhu achida kubhabhatidzwa asi akaremara kwazvo kana kuti achirwara zvikuru, izvo zvingaita kuti kunyudzwa kuome?

Shoko rokuti “kubhabhatidza” ishanduro inobva pachiito cheshoko rechiGiriki rokuti baʹpto, zvichireva kuti kunyudza. (Johani 13:26) MuBhaibheri kuti “kubhabhatidza” zvakafanana nokuti “kunyudza.” Nezvokubhabhatidzwa kwomukuru mukuru wokuEtiopiya kwakaitwa naFiripi, The Emphasised Bible rakanyorwa naRotherham rinoti: “Vose vakapinda mumvura, vose Firipi nomukuru mukuru wacho,—uye akamunyudza.” (Mabasa 8:38) Saka, munhu ari kubhabhatidzwa anonyatsonyudzwa mumvura.—Mateu 3:16; Mako 1:10.

Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza.” (Mateu 28:19, 20) Maererano naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvinoronga kubhabhatidza mumaduhwinho, madziva, nzizi, nedzimwe nzvimbo dzine mvura inokwana kunyudza zvakakwana. Sezvo kubhabhatidzwa nokunyudzwa kuchidiwa neMagwaro, vanhu havana simba rokuti mumwe munhu arege kubhabhatidzwa. Saka, munhu anofanira kubhabhatidzwa kunyange kana pachifanirwa kutanga paitwa zvisingawanzoitwi nokuda kwezvaari. Somuenzaniso, kubhabhatidzira mubhavhu guru rokugezera kwave kuchibatsira kuvaya vakwegura kana kuti vane mamwe marwariro. Mvura yomubhavhu ingadziiswa, ari kuda kubhabhatidzwa angaiswa imomo zvinyoronyoro uye zvishoma nezvishoma uye, kana angojairana nayo, kubhabhatidza chaiko kungabva kwaitwa.

Kunyange vanhu vakaremara zvikuru vakabhabhatidzwa. Somuenzaniso, vanhu vakavhiyiwa gurokuro uye, nokudaro vaine buri pahuro, kana kuti vaya vanofanira kufema nomuchina vakanyudzwa. Ichokwadi kuti pakubhabhatidza kwose kwakadaro pane zvinofanira kunyatsogadzirirwa. Kungava kuchenjera kuva nomukoti pedyo kana kuti chiremba kana achiwanika. Zvisinei, kana pakanyatsongwarirwa nokugadzirira, kazhinji kacho kubhabhatidzwa kunogona kuitwa. Saka, panofanira kuedzwa zvakafanira kubhabhatidza munhu mumvura kana zviri izvo zviri kudiwa nomunhu wacho nomwoyo wose uye kana akagadzirira kutarisana nengozi dzingangoitika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe