RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 5/15 p. 32
  • Unoonga Rudo rwaMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoonga Rudo rwaMwari Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 5/15 p. 32

Unoonga Rudo rwaMwari Here?

MURUME ainzi Jobho akambotsanangura kusakwana kwomunhu nemashoko aya: “Munhu wakazvarwa nomukadzi unamazuva mashoma, azere nokutambudzika. Unobuda seruva, ndokusvava; unotizawo somumvuri, haagari.” (Jobho 14:1, 2) Upenyu, sohwairaramwa naJobho, hwakanga hwakazara nemarwadzo nokusuruvara. Wakambonzwa saizvozvo here?

Zvisinei, pasinei nematambudziko ose atingatarisana nawo, pane tariro yakasimba iripo, iyo yakavakirwa patsitsi dzaMwari norudo. Chokutanga, Baba vedu vokudenga vane ngoni vakatiitira chibayiro chorudzikinuro kuti vanunure vanhu kubva murufu nechivi. Maererano naJohani 3:16, 17, Jesu Kristu akati: “Nokuti Mwari akada nyika [yorudzi rwevanhu] kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake [Jesu] munyika, kwete kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.”

Fungawo nezvemafungiro anoita Mwari nezvedu isu vanhu vasina kukwana. Muapostora Pauro akazivisa kuti: “Akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe, kuti agare pamusoro pepasi rose, uye akatema nguva dzakagadzwa nemiganhu yakatarwa yokugara kwevanhu, kuti vatsvake Mwari, kana vangamutsvanzvadzire vamuwane chaizvoizvo, kunyange, chaizvoizvo, asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:26, 27) Pafunge! Kunyange zvedu tiri vanhu vasina kukwana, tichiri kukwanisa kuva noukama hwepedyo noMusiki wedu ane rudo, Jehovha Mwari.

Saka tinogona kutarisira nguva yemberi nechivimbo, tichiziva kuti Mwari ane hanya nesu uye kuti akatirongera norudo kuti tibatsirwe nokusingaperi. (1 Petro 5:7; 2 Petro 3:13) Saka zvechokwadi, tine zvikonzero zvakanaka zvokudzidza zvakawanda nezvaMwari wedu ane rudo kuburikidza nokudzidza Shoko rake, Bhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe