RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 2/15 p. 29
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Usarega Munhangemutange Youpenyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 58—VaHebheru
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Ipa Zvibairo Zvinofadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Pupurira Jehovha Uye Usaneta
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 2/15 p. 29

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mashoko ari pana VaHebheru 12:4 okuti: “Hamusati mambodzivisa kusvika pakubuda ropa” anorevei?

Mashoko okuti “mambodzivisa kusvika pakubuda ropa,” anoreva kutosvika pakufa chaiko, kuteurwa chaiko kweropa romunhu.

Muapostora Pauro aiziva kuti nokuda kwokutenda kwavo, vamwe vaKristu vechiHebheru vakanga vato“tsungirira kukakavara kukuru pakutambura kuzhinji.” (VaHebheru 10:32, 33) Paaijekesa izvozvo, Pauro anoita seaishandisa fananidzo yezvaiitwa mumakwikwi emitambo yevaGiriki, yaisanganisira kumhanya, tsimba, tsiva, uye kukanda zvinhu zvinorema nemaoko. Zvinoenderanawo neizvi ndezvokuti pana VaHebheru 12:1, akakurudzira vamwe vake vechiKristu kuti: “Ngatibviseiwo zvinorema zvose nechivi chinotipingirisha nyore nyore uye ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”

Pashure pendima nhatu, pana VaHebheru 12:4, Pauro angave akanga ochinja mufananidzo wemakwikwi okumhanya kuenda kune wetsiva. (Mifananidzo yacho yose inotaurwa pana 1 VaKorinde 9:26.) Vatambi vetsiva vekare vaisungwa zvibhakera zvavo uye maoko avo netambo dzeganda. Tambo dzacho zvichida dzaitowedzerwa uremu “nomutobvu, simbi, kana kuti ndarira dzokushongedza, zvaiita kuti vatambi vetsiva vanyanye kukuvara.” Mitambo youtsinye yakadaro yaikonzera kudzudza ropa, dzimwe nguva rufu chairwo.

Chero zvazvaiva, vaKristu vechiHebheru vaiva nemienzaniso yakakwana yevashumiri vaMwari vakatendeka vakanga vatambudzwa uye vabatwa noutsinye, kunyange kutosvika parufu chairwo, “kusvika pakubuda ropa.” Cherechedza mamiriro akanga akaita zvinhu pakataurwa naPauro zvakaitirwa vanhu vekare vakatendeka:

“Vakatakwa nematombo, vakaedzwa, vakachekwa nepakati, vakafa vachiurawa nebakatwa, vakafamba vakapfeka matehwe emakwai, vakapfeka matehwe embudzi, vachishayiwa, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa.” Pauro zvino anozoratidza pachena Mukwanisi wokutenda kwedu Jesu, achiti: “Akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi, akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.”—VaHebheru 11:37; 12:2.

Hungu, vakawanda vaka“dzivisa kusvika pakubuda ropa,” kureva kuti, kutosvika pakufa chaiko. Kudzivisa kwavo kwaipfuura kungorwisa chivi chokushayiwa kutenda. Vaiva vakavimbika pavaibatwa zvisina kufanira noutsinye nevokunze, vachiramba vakatendeka kusvika parufu.

Vatsva vaiva muungano yeJerusarema, zvichida vava vaKristu pashure pokupera kwechitambudzo chakaipisisa, vakanga vasina kusangana nemiedzo yakaomesesa kudaro. (Mabasa 7:54-60; 12:1, 2; VaHebheru 13:7) Asi, kunyange miedzo miduku chaiyo yaitotadzisa vamwe vavo kupfuurira nemakwikwi, ‘vaineta nokupera simba pamweya yavo.’ (VaHebheru 12:3) Vaida kufambira mberi kuti vakure. Izvozvo zvaizovaka mano avo kuti vatsungirire chero chaizouya, kunyange zvaisanganisira kubatwa zvisina kufanira panyama kusvika pakuteurwa kweropa ravo.—VaHebheru 6:1; 12:7-11.

VaKristu vakawanda mazuva ano vaka“dzivisa kusvika pakubuda ropa,” nokuurayiwa nemhaka yokusabvumirana nezvinopesana nechiKristu. Pane kuti mashoko aPauro ari pana VaHebheru 12:4 atityise, tinogona kuaona seanoratidza patinofanira kusvika kuramba takavimbika kuna Mwari. Gare gare mutsamba imwe chete iyi kuVaHebheru, Pauro akanyora kuti: “Ngatirambei tine mutsa usina kufanirwa, uyo watingaitira nawo Mwari basa dzvene zvinogamuchirika nokumutya nokumuremekedza.”—VaHebheru 12:28.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe