Henry VIII neBhaibheri
MUBHUKU rake rinonzi History of the English-Speaking Peoples (Volume 2), Winston Churchill akanyora kuti: “Mune zvechitendero chiPurotesitendi chakachinja zvinhu zvikuru. Bhaibheri rakava chinhu chitsva chinopa zano rounyanzvi uye chinobatsira mune zvakawanda. Chizvarwa chekare chaifunga kuti Zvinyorwa Zvitsvene izvi zvine ngozi kana zviri mumaoko evasina kudzidza uye kuti zvinofanira kuverengwa nevapristi chete.”
Nyaya yacho inopfuurira kuti: “MaBhaibheri akazara akadhindwa, akashandurirwa muChirungu naTyndal naCoverdale, akanga aonekwa kokutanga mumatsutso a1535, uye akanga atopepetwa kanoverengeka. Hurumende yakakurudzira vafundisi kuti vakurudzire vanhu kuverenga Bhaibheri.” Pashure pemazana emakore okusakwanisa kuverenga Bhaibheri, England yakanga yokwanisa kuriverenga, asi izvi zvakaitwa nehurumende yaHenry VIII kwete nechechi.a
“Chimwe chakawedzera kurwadzisa vaya vaifunga kuti Bhaibheri haribvumirwi ndechokuti hurumende yacho yakaita kuti kudhindwa kukuru kwemaBhaibheri echiRungu kuitwe kuParis, aiva akanaka kupinda api neapi akanga ambodhindwa, uye muna September 1538 yakarayira kuti nzanga imwe neimwe yechechi iri munyika yacho inofanira kutenga Bhaibheri guru riri muchiRungu, rinogadzikwa muchechi imwe neimwe, paringakwanisa kuwanikwa nomunhu mumwe nomumwe womuchechi paanenge achida kuverenga. Makopi matanhatu akaiswa muSt Paul’s, muCity of London, uye vanhu vakawanda vaitutirana muchechi macho muswere wose kuti vaaverenge, zvikurukuru kana vakawana chero munhu ane inzwi rainzwika kuti avaverengere achidanidzira.”
Zvinosuruvarisa kuti munyika dzinoverengeka, vakawanda havashandisi ropafadzo yavo yokuva nomukana wokuverenga Bhaibheri nguva dzose. Izvi zvinofanira kufungwa nezvazvo, nokuti Bhaibheri chete ndiro “[ra]kafuridzirwa naMwari uye [ri]nobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.”—2 Timoti 3:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Mambo Henry VIII akatonga England kubva muna 1509 kusvika muna 1547.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Henry VIII: Mufananidzo uri muRoyal Gallery paKensington, kubva mubhuku rinonzi The History of Protestantism (Vol. I)