“Tozoonana muUmambo hwaMwari”
“Anodiwa Shamwari! Rupert, nhasi ndatongerwa rufu. Usandicheme. Ndinokutumira rudo rwangu nokuvanhu vari mumba mako. Tozoonana muUmambo hwaMwari.”
MUSI waJune 8, 1942, Franc Drozg akanyora mashoko aya maminitsi mashomanana asati apfurwa nemauto eNazi. Akaurayirwei?
Maererano nezvinyorwa zviri muMiziyamu yeNational Liberation muMaribor, kuSlovenia, iyi mhizha yaive nemakore 38 yakaramba kupinda muWehrmannschaft, uto rokubatsira reGermany rokuSlovenia iyo yakanga yapindwa nevanhu vokuGermany. Aive Bibelforscher, kana kuti Mudzidzi weBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo munharaunda iyoyo. Achiita maererano naIsaya 2:4, akanga asingazotsigiri zvaiedza kuitwa muhondo nevaNazi, achizvizivisa somunhu anotongwa noUmambo hwaMwari.—Mateu 6:33.
Muguta rokumusha kwake rinonzi Ptuj, Franc aizivikanwa somuzivisi wemashoko akanaka oUmambo hwaMwari anoshingaira. (Mateu 24:14) Pasinei nematambudziko akawanda, haana kurega kuparidza mashoko akanaka kusvikira asungwa muna May 1942.
Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvokuSlovenia zvakatambudzwa zvikuru nevaNazi. Franc aive mumwe wevokutanga kuurayirwa chitendero chake. Sezvakaita vaKristu vomuzana remakore rokutanga, akasimbiswa nemashoko anoti: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomukutambudzika kwakawanda.” (Mabasa 14:22) Kutenda kwake kuti hurumende yokudenga ndeyechokwadi kwakaonekwa mumashoko ake okupedzisira, “Tozoonana muUmambo hwaMwari.”
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 32]
Franc Drozg: Photo Archive-Museum of National Liberation Maribor, Slovenia; letter: Original kept in Museum of National Liberation Maribor, Slovenia