RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 10/15 p. 32
  • “Zvino Ndava Kuziva Chirwere Changu!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvino Ndava Kuziva Chirwere Changu!”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 10/15 p. 32

“Zvino Ndava Kuziva Chirwere Changu!”

NDIWO matauriro akaita mumwe murume wokuTokyo paakaverenga nyaya youpenyu iri mumagazini yeNharireyomurindi yaDecember 1, 2000. Nyaya yacho yaiva nomusoro waiti “Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana,” uye yakataura chiitiko chomumwe aimbova mumishinari akatambura nechirwere chinonzi manic-depressive psychosis.

Mutsamba yaakanyorera vabudisi vemagazini ino, murume wacho wokuTokyo akati: “Zviratidzo zvakarondedzerwa zvinonyatsokodzera ini. Saka ndakaenda kuchipatara chepfungwa ndokuudzwa kuti ndine chirwere chinonzi manic depression. Chiremba akandiongorora akashamiswa. Akati, ‘Kashoma kuti vanhu vanorwara nechirwere ichi vafunge kuti vari kurwara.’ Ndakabatsirwa kuziva chirwere chacho chisati chanyanyokura.”

Mamiriyoni evanhu munyika yose anobatsirika munzira dzakasiyana-siyana nokuverenga magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neimwe yayo inonzi Mukai! Vanowana nyaya dzawo dzichivaka uye dzichigutsa. Iye zvino Nharireyomurindi yava kudhindwa mumitauro 141, uye Mukai! iri kubudiswa mumitauro 86. Iwewo uchafarira kuverenga Nharireyomurindi neMukai! nguva dzose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe