RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 10/1 p. 32
  • Chidzidzo Pamuti Womuchindwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chidzidzo Pamuti Womuchindwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 10/1 p. 32

Chidzidzo Pamuti Womuchindwe

“MUTI unoyevedza wakanaka zvinoshamisa unoita sewakachekererwa.” Ndiko kurondedzera kunoita imwe enisaikoropidhiya yeBhaibheri muchindwe unobereka michero inonzi madate. Munguva inotaurwa muBhaibheri uye nhasi, michindwe inobereka madate inonakisa Nile Valley yokuEgypt, uye inopa mimvuri yakanaka munzvimbo dzakasvibira dzeNegeb Desert.

Kufanana nemarudzi akawanda emiti yemichindwe, muchindwe unobereka madate wakareba zvinoshamisa. Mimwe yacho inoreba mamita 30 uye inoramba ichibereka michero kwemakore 150. Zvechokwadi, muchindwe unobereka madate, unoyevedza meso uye unobereka michero zvinoshamisa. Gore rimwe nerimwe unobereka zvisumbu zvakawanda zvemadate. Sumbu rimwe chete ringava nemadate anopfuura 1 000. Achitaura nezvemadate, mumwe munyori akati: “Vaya . . . vanongodya madate akaomeswa chete omumapakiti omuzvitoro, havangambofungidziri kuti anonaka sei kana akadyiwa ari manyoro.”

Saizvozvowo, Bhaibheri rinofananidza vamwe vanhu nemiti yemichindwe. Kuti afadze mumeso aMwari, kufanana nomuti womuchindwe unobereka michero, munhu anofanira kuva akarurama mutsika uye anofanira kupfuurira kuratidza mabasa akanaka. (Mateu 7:17-20) Nokuda kwechikonzero ichi, mifananidzo yakadhirowewa yemiti yemichindwe yakashandiswa kutsvindisa temberi yaSoromoni uye temberi yakaonwa naEzekieri. (1 Madzimambo 6:29, 32, 35; Ezekieri 40:14-16, 20, 22) Saka, kuti kunamata kwomunhu kugamuchirwe naMwari, munhu anofanira kuva nezvimwe zvinhu zvinodiwa kunge muchindwe unobereka madate. Shoko raMwari rinotsanangura kuti: “Wakarurama uchamera somuchindwe.”—Pisarema 92:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe