RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 10/1 p. 19
  • Kusvika Kune Vaya Vanonetsa Kuwana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvika Kune Vaya Vanonetsa Kuwana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu zvaJehovha—Sangano Rinotsigira Zita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rinotsigira Zita Redu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Zvokushandisa Zvinodzidzisa, Zvinokurudzira, uye Zvinosimbisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Chikamu 8—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 10/1 p. 19

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Kusvika Kune Vaya Vanonetsa Kuwana

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinoedza kukurukura nomunhu wose wazvinokwanisa kuwana nezveshoko roUmambo. Dzimwe nguva, ibasa chairo kusvika kune vanhu vasingawanzova pamba. (Mako 13:10) Mumwe piyona chaiye mune imwe nyika yokuSouth America anorondedzera chiitiko chinotevera maererano neizvi.

“Rimwe zuva ndakaziva kuti gavhuna wedunhu iroro aizoshanyira kundima kwandakanga ndagoverwa ini nomudzimai wangu. Sezvo aitova mumwe wevanhu vaya vasingawanzova pamba, ndakamunyorera tsamba ndokupfigira mabhuku anotsanangura Bhaibheri akati kuti, kusanganisira bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? nebhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu nerinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tsamba yangu yakatsanangura chinangwa cherimwe nerimwe remabhuku aya.

“Ndakakumbira kusangana naye nokuti ndaida kuziva kuti aizoita sei kana aona mabhuku acho. Mavhiki akati gare gare akandibvumira kusangana naye, uye ndakatakura vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Musangano wacho wakatora maawa anenge maviri. Taona vhidhiyo nagavhuna wacho, ndakamubvunza kuti aifungei nezvayo. Akapindura kuti: ‘Hapana rimwe sangano pasi pano rinenge renyu. Ndinoti dai ndiine vanhu vakaita semi vaigona kundibatsira kupedza zvirongwa zvangu zvehurumende!’ Akazobvunza kana ndakambosvika kudzimbahwe renyika yose resangano redu. Ndakamuudza kuti kunyange zvazvo chaive chinangwa changu kubvira ndichine makore 14, ndaive ndisina kuwana mukana wokushanyira dzimbahwe redu renyika yose muBrooklyn, New York. Chaive chimwe chezvinhu zvakaoma kuzviita. Akamboramba akanditi ndee kwekanguva. Akazoti aida kuti ndive nomukana iwoyo. Akatirongera matsamba edu okufambisa ndokubva atipa matikiti endege sechipo!

“Iye zvino gavhuna wacho anowana magazini eNharireyomurindi neMukai! nguva dzose. Tinotarisira kuti tichatanga chidzidzo cheBhaibheri naye munguva pfupi inotevera.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe