RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 9/15 p. 32
  • Vanoshandisa Zita raMwari muCentral Africa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanoshandisa Zita raMwari muCentral Africa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 9/15 p. 32

Vanoshandisa Zita raMwari muCentral Africa

VANHU vakawanda kwazvo muCentral Africa vanodavira muna Mwari. Havana mubvunzo kuti ndiye Musiki wezvinhu zvose. (Zvakazarurwa 4:11) Zvisinei, kufanana nevanhu vakawanda kwose kwose, havawanzoshandisi zita rake—Jehovha.

Vanhu vari muCentral Africa nomune dzimwe nzvimbo dzenyika, vanotaura nezvezita raMwari pavanoti, “Zita renyu ngarikudzwe nohutsvene” muMunyengetero waShe. (Mateo 6:9, The Bible in Union Shona) Asi kwenguva yakareba, vashoma vaiziva zita iroro. Zvisinei, mumakore ose aya, basa rokuparidza nokushingaira reZvapupu zvaJehovha rakachinja mafungiro evanhu pakushandisa zita raMwari. Nhasi, zita raMwari rinozivikanwa zvikuru uye rinogamuchirwa mumitauro yakawanda yomuAfrica yakadai seZulu (uJehova), Yoruba (Jehofah), Xhosa (uYehova) uye Swahili (Yehova). Asi, shanduro dzakawanda dzeBhaibheri mumitauro iyi nanhasi hadzisi kushandisa zita raMwari.

Shanduro yakaisvonaka inoshandisa zita raMwari iBhaibheri rechiZande, mutauro unotaurwa munyika dziri muCentral African Republic, Sudan, uye Democratic Republic of Congo. Munyika idzi, vanhu vanoshandisa zita raMwari, vachiriperetera kuti Yekova mururimi rwavo. Pasinei nokuti zita raMwari rinodaidzwa sei mumutauro worurimi rwaamai, zvakakosha kurishandisa. Nei? Nokuti “munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.”—VaRoma 10:13.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 32]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)]

SUDAN

CENTRAL AFRICAN REPUBLIC

DEMOCRATIC REPUBLIC OF CONGO

[Kwazvakatorwa]

The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe