RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 9/15 p. 28
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Nei Tichifanira Kutungamirirwa Nemudzimu waMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 9/15 p. 28

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kunamata Jehovha “nomudzimu” kunorevei?

Paaipupurira mukadzi wokuSamariya akanga auya kuzochera mvura patsime raJakobho pedyo neguta reSikari, Jesu Kristu akati: “Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Kunamata kwechokwadi kunofanira kuitwa “nechokwadi” mukuti kunofanira kuwirirana nezvakaziviswa naJehovha Mwari muBhaibheri pamusoro pake uye zvinangwa zvake. Kushumira kwedu Mwari kunofanirawo kuva kuzere nechido, kana kuti kushingaira, zvichibva pamwoyo uzere norudo uye kutenda. (Tito 2:14) Zvisinei, mashoko akapoteredza anoratidza kuti kutaura kwaJesu nezvo‘kunamata Mwari nomudzimu’ kunoreva zvinopfuura nokure pfungwa yatinoshumira nayo Jehovha.

Kurukurirano yakaita Jesu nomukadzi wacho patsime yaisava yokuvapo kana kusavapo kwemafungiro okushingaira mukunamata. Kunyange kunamata kwenhema kunogona kuitwa nokushingaira uye kuzvipira. Asi, ataura kuti Baba vaizonamatwa kwete pagomo muSamariya kana kuti patemberi yaiva muJerusarema—dzose nzvimbo dzinooneka—Jesu akataura mumwe muitiro mutsva wokunamata une chokuita neizvo Mwari ari chaizvo. (Johani 4:21) Akati: “Mwari Munhu womudzimu.” (Johani 4:24, Charles B. Williams) Mwari wechokwadi haasi munhu wenyama uye haaoneki kana kubatika. Kumunamata hakutsamiri pakuti kuri kuitirwa patemberi inooneka here kana kuti pagomo. Saka, Jesu aireva mamwe manamatiro anopfuura zvinhu zvinooneka.

Pane kuti kuitwe nechokwadi chete, kunamata kunogamuchirika kwaizofanira kutungamirirwa nomudzimu mutsvene—simba raMwari risingaoneki rinoita basa. “Mudzimu [mutsvene] unonzvera zvinhu zvose,” akanyora kudaro Pauro, “kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari.” Akawedzera kuti: “Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.” (1 VaKorinde 2:8-12) Kuti tinamate Mwari zvinogamuchirika, tinofanira kuva nomudzimu wake totungamirirwa nawo. Uyezve, zvinokosha kuti mudzimu wedu, kana kuti mafungiro edu, zviwirirane nomudzimu wake nokudzidza uye kushandisa Shoko rake.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Namata Mwari “nomudzimu nechokwadi”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe