RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 9/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Aiva Mwanakomana waMwari Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—2006
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 9/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Rugwaro rwaVaKorose 1:16 runotaura nezveMwanakomana waMwari kuti “zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa naye uye nokuda kwake.” Zvinhu zvose zvakasikwa “nokuda” kwaJesu, Mwanakomana waMwari, mupfungwai?

Jehovha akashandisa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi semhizha mukusika zvimwe zvinhu zvose, ndiko kuti, zvimwe zvinhu zvose, kunze kwaJesu pachake. (Zvirevo 8:27-30; Johani 1:3) Saka zvakakodzera kuti Mwanakomana anowana mufaro kubva mumabasa aya, uye mupfungwa iyoyi zvakasikwa “nokuda” kwake.

Tinoziva kuti vabereki vanotarisira kuwana, uye vanowanzowana mufaro mukuru kubva muvana vavanobereka—vanakomana nevanasikana vavo. Nokudaro, chirevo cheBhaibheri chinotaura nezva“baba [vane] mwanakomana wavo wavanofarira.” (Zvirevo 3:12; 29:17) Saizvozvowo, Jehovha Mwari akawana mufaro kubva kuvaIsraeri apo vanhu vake vakanga vakatendeka. (Pisarema 44:3; 119:108; 147:11) Anowanawo mufaro kubva pakutendeka kwevanhu vake vakavimbika kusvikira munguva yedu.—Zvirevo 12:22; VaHebheru 10:38.

Nokudaro, zvakanga zvakarurama kuti Mwari aizoita kuti mushandi pamwe naye, Jesu, awane mufaro mune zvaakaita. Kutaura zvazviri, rugwaro rwaZvirevo 8:31 runotaura kuti Mwanakomana ‘aitamba panyika yake, achifadzwa navanakomana vavanhu.’ Rugwaro rwaVaKorose 1:16 runenge ruchireva izvozvi parunoti: “Zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa naye uye nokuda kwake.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe