RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 7/1 p. 32
  • Mienzaniso Inoramba Ichiyeukwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mienzaniso Inoramba Ichiyeukwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 7/1 p. 32

Mienzaniso Inoramba Ichiyeukwa

GORE roga roga, Zvapupu zvaJehovha munyika dzazvo dzazvinogara zvinoungana pamagungano nekokorodzano dzechiKristu. Zvinoita izvi kuti zvive nemirayiridzo nesonganiro zvinovaka pakunamata Mwari. Asi zvimwe zvinhu zvinoitwa pakuungana kwazvo zvinogonawo kusiya mienzaniso inoramba ichiyeukwa pamusoro pazvo nevashanyi.

Somuenzaniso, muna July 1999, zviuru zveZvapupu muMozambique zvakaungana kwemazuva matatu okudzidziswa paKokorodzano Yoruwa ye“Shoko raMwari roUprofita.” Vakawanda vaivapo vakanga vachipinda kokorodzano kokutanga. Vakaororwa kwete chete nemashoko avakanzwa pachikuva asiwo nezvavakaona.

Mamwe mashoko akataurwa paMaputo Assembly Hall akanga ari okuti: “Handina kumboona nzvimbo yakanaka seiyi muupenyu hwangu hwose! Mokugezera makanga mune sipo nezvionioni, uye maitonhuwirira. Pakanga pane mhoteredzo dzine rugare pasina ruzha rwevana vairwa. Uyewo pakanga pasina kusaidzirana! Ndakaona vechiduku vaifara, vachikurukurirana zvinokurudzira. Ndakaororwawo nemapfekero akanaka akanga akaita munhu wose. Nguva inotevera, ndichaunza vana vangu uye ndichanyengetedza murume wangu kuti azive kuti tinofanira kupinda kokorodzano iyi.”

Hungu, kuvimbika, kuva vechokwadi, uye kuchena mumuviri kweZvapupu zvaJehovha kunooneka. Nei Zvapupu zvakasiyana nevamwe? Nemhaka yokuti zvinoedza zvechokwadi kushandisa zvazvinodzidza muBhaibheri. Hazviiti here kuti uungane nazvo gore rino pamagungano azvo enyika yose kana pamisangano yazvo yevhiki nevhiki paHoro yoUmambo iri maunogara kuti uzvionere pachako?

[Mufananidzo uri papeji 32]

ZAMBIA

[Mufananidzo uri papeji 32]

KENYA

[Mufananidzo uri papeji 32]

MOZAMBIQUE

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe