RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 6/15 p. 32
  • “Mavanga Anotemwa Neshamwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mavanga Anotemwa Neshamwari”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 6/15 p. 32

“Mavanga Anotemwa Neshamwari”

MUAPOSTORA Pauro akaona kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga veGaratiya vaida kururamiswa. Zvimwe kuti adzivise kutsamwa kupi nokupi, akabvunza kuti: “Saka, ndava muvengi wenyu nokuti ndinokuudzai chokwadi here?”—VaGaratiya 4:16.

No‘kutaura chokwadi,’ Pauro akanga asina kuva muvengi wavo. Kutaura zvazviri, aiita zvinoenderana nenheyo yeBhaibheri inoti: “Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa.” (Zvirevo 27:6) Aiziva kuti kuzviremekedza kwevanokanganisa kwaigona kukuvadzwa. Asi aiziva kuti kurega kuranga mutadzi kwaigona kuguma nokutadzisa munhu wacho kuwana rudo rwaJehovha Mwari. (VaHebheru 12:5-7) Naizvozvo, sezvo aiva shamwari yakatendeka yaigara ichifarira ungano zvaibva pamwoyo chaipo, Pauro haana kudzokera shure pakupa zano rokururamisa.

Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa razvo rokuita “vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . [zvi]chivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose [zvakarayirwa naJesu Kristu].” Nokuita izvozvo, vaKristu vepachokwadi ava havaiti kuti chokwadi cheBhaibheri chinofumura nokushora dzidziso dzakashata uye mufambiro usiri wechiKristu chichinjwe. (Mateu 15:9; 23:9; 28:19, 20; 1 VaKorinde 6:9, 10) Pane kuva vavengi vanofanira kurambwa, vari kuratidza kufarira kunoitwa neshamwari dzechokwadi.

Aine kunzwisisa kwakafuridzirwa naMwari, munyori wepisarema akanyora kuti: “Wakarurama ngaandirove netsitsi; ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungaarambi.”—Pisarema 141:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe