RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 6/1 p. 32
  • Kudzidza Bhaibheri—Kune Zvakunokubatsira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Bhaibheri—Kune Zvakunokubatsira Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 6/1 p. 32

Kudzidza Bhaibheri—Kune Zvakunokubatsira Here?

“HARIFANIRI kuverengwa pasina mupristi.” Nyevero iyi inowanika panotangira mamwe maBhaibheri evaKaturike. “Sezvo tiri vaKaturike hatina kumbowana mukana wokuverenga Bhaibheri nguva dzose,” anodaro Kay Murdy weCatholic Bible Institute muLos Angeles, “asi izvozvo zviri kuchinja.” VaKaturike pavanongoziva chete kuti Magwaro Matsvene angachinja sei upenyu hwavo, anodaro, “vanotanga kuva nenzara nenyota yokuda Bhaibheri.”

Nezvokuchinja uku, magazini inonzi U.S. Catholic inotaura mashoko omurume anofambisa dzidzo yechitendero akataura kuti vaKaturike vaipinda makirasi okudzidza Bhaibheri vakanzwa kuti “vainyimwa chimwe chinhu sevaKaturike, uye kuti muBhaibheri mune upfumi hwakawanda. Vanoda kuwana humwe hwoupfumi ihwohwo hwavanofunga kuti vakarasikirwa nahwo.”

Chero zvazviri, “upfumi” hupi hungavapo hungawanikwa nomudzidzi weBhaibheri? Funga nezveizvi: Ungada kuziva kuti ungabudirira sei kukurira kufunganya kwezuva nezuva here? Ungaita sei kuti parambe pane runyararo mumhuri? Nei kune kuzvikudza nokusagarisana zvakanaka? Chii chinokonzera chisimba pavanhu vechiduku vanhasi? Mhinduro dzechokwadi kune iyi nemimwe mibvunzo inovhiringidza dzinogona kuwanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri, uye dzinogona kuva “upfumi,” chokwadi, kwete chete kuvaKaturike kana vaPurotesitendi asiwo kuvaBuddha, vaHindu, vaMuslim, vaShinto, kunyange vanoti hakuna Mwari uye vanoti hakuna zvinozivikanwa nezvaMwari. Semataurirwo azvakaitwa nomunyori wepisarema, ‘Shoko raMwari rakanga riri mwenje wetsoka dzake, nechiedza munzira yake.’ Rinogona kudaro kwauri.—Pisarema 119:105.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe