‘Tendai Zvapupu zvaJehovha Nokuda Kwokusununguka Kwezvitendero’
“USATI wapfiga musuo wako kuti usataura nomumwe weZvapupu zvaJehovha,” inodaro nyaya iri mupepanhau rinonzi USA Today, “chimbomira kuti ufunge nezvokutambudzwa kunozvidzisa kwazvakava nako munguva ichangopfuura, uyewo basa guru razvakaita kuti pave noKugadzirisa Kwokutanga kwakaitwa mubumbiro remitemo kwakaita kuti tive norusununguko rwatinarwo tose.” Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa muUnited States mumakore ose okuma1940 nemhaka yezvimwe zvinhu zvaisanganisira kuramba kuchaya sarupu kumureza.—Eksodho 20:4, 5.
Mhosva dzinenge 30 dzaibatanidza Zvapupu zvaJehovha dzakaunzwa pamberi peDare Repamusoro-soro reUnited States mumakore mashanu ari pakati pa1938 na1943. Nyaya yacho inoti: “Zvapupu zvaigaromutsa nhau dzinokosha dzakakonzera Kugadzirisa Kwokutanga kwakaitwa mubumbiro remitemo zvokuti Mutongi womudare repamusorosoro Harlan Fiske Stone akanyora kuti, ‘Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuwana mubayiro tichitarira rubatsiro rwazvinopa mukupedza zvinetso zvomumatare zvorusununguko rwevanhu.’”
Nokudaro, pedyo nekwakaperera nyaya yacho kunoti: “Zvitendero zvose zvinofanira kutenda Zvapupu zvaJehovha nemhaka yokuwedzerwa kworusununguko [rwezvitendero].”
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 32]
Nechokumashure, chivako: Photo by Josh Mathes, Collection of the Supreme Court of the United States; pasi nechokuruboshwe, vatongi: Collection of the Supreme Court of the United States