RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 5/1 p. 19
  • Kubvisa Ruzvidzo Pazita raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubvisa Ruzvidzo Pazita raMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinogona Sei Kubatira Pamwe Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingawirirana Sei Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Vana Vechikoro veNigeria Vakakomborerwa Nokuda Kwokutendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 5/1 p. 19

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Kubvisa Ruzvidzo Pazita raMwari

SHOKO raMwari Bhaibheri rinoti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi, kuti, muchinhu chavanokupomerai sevaiti vezvakaipa, vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.” (1 Petro 2:12) Naizvozvo, vaKristu vechokwadi vanoedza kuramba vaine mufambiro wakanaka kuitira kudzivisa kuunza ruzvidzo pazita raJehovha.

Kune imwe nzvimbo iri kwayo yoga muZambia inonzi Senanga, mumwe mudzidzisi akabirwa redhiyo mumba make. Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichiparidza munharaunda yacho, murume wacho akazvipomera mhosva yokuba. Akamhan’ara nhau yacho kumapurisa, achitaura kuti Zvapupu zvacho zvakanga zvamubira redhiyo yake. Kuti aratidze kuti Zvapupu zvacho zvakanga zvasvika pamba pake, akabudisa turakiti raakanga awana pauriri. Zvisinei, mapurisa acho haana kubvuma zvaakataura. Akamukurudzira kuenda ndokunyatsoongorora.

Zvapupu zvakanga zvashandira munogara mudzidzisi wacho zuva iroro zvakakurudzirwa nedare revakuru kuenda uye kutaura nomudzidzisi wacho nezvenhau yacho. Dzimwe dzehama dzacho dzakaenda dzikataura naye, dzichitsanangura kuti dzaida kubvisa ruzvidzo pazita raJehovha. Pakukurukurirana kwavakaita, vakamuudza kuti vakanga vaona mumwe murume wechiduku mumba make uye vakanga vamupa turakiti. Kubva parondedzero yavo, mudzidzisi wacho akaziva murume wacho. Kutaura zvazviri, vaiva muchechi imwe chete. Mudzidzisi wacho akataura nomurume muduku uyu, asi akaramba zvaaipomerwa. Zvadaro, mudzidzisi wacho akakurukura nhau yacho nevabereki vomurume wechiduku uyu achibva adzokera kumba. Muawa imwe, amai vomurume wechiduku uyu vakadzorera redhiyo yakanga yabiwa.

Nokunyara, mudzidzisi wacho akaenda kudare revakuru ndokukumbira ruregerero pamusoro pokupomera kwenhema kwaakanga aita. Vakuru vacho vakabvuma kukumbira ruregerero kwake asi vakakumbira kuti chokwadi chiziviswe vanhu vose kuitira kuti vazive kuti Zvapupu zvakanga zvisina mhaka. Chiziviso chakapiwa pachikoro chacho, nokudaro zvichibvisa ruzvidzo pazita raJehovha. Zvapupu zvaJehovha zvinogona kupfuurira kuparidza zvakasununguka munharaunda yacho.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 19]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

AFRICA

Zambia

[Kwazvakatorwa]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe