RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 4/1 p. 32
  • Unofanira Kuva Pachiitiko Ichi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kuva Pachiitiko Ichi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 4/1 p. 32

Unofanira Kuva Pachiitiko Ichi

“Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana” zvinobva kuna Mwari, Baba vedu vokudenga.—Jakobho 1:17.

CHIPO chikuru kwazvo chakapiwa naMwari vanhu vanotadza, urongwa hwokuponesa achishandisa Mwanakomana wake akaberekwa ari oga, Jesu Kristu. Rufu rwaJesu, Mudzikinuri wedu, runoita kuti upenyu husingaperi mupasi riri paradhiso hukwanisike. Pana Ruka 22:19, tinorayirwa kuyeuka rufu rwake.

Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuti uve pamwe nazvo pakuteerera murayiro iwoyu waJesu. Chiitiko ichi chegore negore chichachengetwa zuva ranyura musi waNisani 14 unoenderana nekarenda yeBhaibheri yemwedzi womudenga—Svondo, April 8, 2001. Nyora pasi musi uyu kuitira kuti usaukanganwa. Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara zvinogona kukuudza nguva nenzvimbo yacho chaiyo ichaitirwa musangano uyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe